Michina yama’drone’ yobatsira varimi

05 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Michina yama’drone’ yobatsira varimi VaSimbarashe Nyamasoka vachiratidza muchina wemhando yeT-40 Drone kuZimbabwe Agricultural Show

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUSHANDISWA kweruzivo rwechizvino-zvino rwemichina yetundege twemhando yema”drone” kwosimudzira mabasa ekurima kuburikidza nekufirita zvirimwa uye kurwisa dambudziko rekudyiwa kwembesa neshiri, kunyanya nezvihuta (qualia birds), izvo zvine mbiri yekuparadza goho regorosi mukati menguva diki.

Vachitaura vari kuZimbabwe Agricultural Show (ZAS) svondo rapera, VaSimbarashe Nyamasoka – vanova acting deputy director wechikamu cheMigratory Pest and Biosecurity Control kubazi rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwemaruwa – vanoti kushandiswa kwemichina yechizvino-zvino kuri kubatsira zvakanyanya kuti mabasa ekurima aendeke.

Vanoti drone remhando yeAGRAS T40 rinotakura marita 40 emushonga uye uchizofirita mahekita ari pakati pe60 ne70.

“Muchina weAGRAS T40 unokwanisa kutakura marita 40 emushonga wekufirita zvirimwa kubva kutumbuyu twakadai semakonye kana shiri dzinowanzoshungurudza varimi vachirasikirwa negoho rakawanda. Kuti ushandise muchina uyu, unofanira kuve nerezinesi rinobva kuchikamu cheCivil Aviation Authority of Zimbabwe (CAAZ).

“Pamusoro pezvo, unofanira kunge uri munhu akadzidziswa kuushandisa nekuti pane zvakawanda zvaunofanira kuziva usati wabhururutsa drone rako mudenga,” vanodaro

VaNyamasoka vanoenderera mberi vachiti: “Zvimwe zvaunofanira kutarisa imepu yekuona kuti drone rako richange richinanga kupi uye nzvimbo yarinofanira kunogumira. Unofanira zvakare kuva neruzivo rwezvemamiriro ekunze nekuti drone harikodzeri kufamba kana kuine mhepo yakanyanya kana kuti kuchinaya. Zvibingaidzo zvakadai semiti kana zvivakwa zvakareba zvinogona kuita kuti muchina wako usvike uchibondera, pakati pezvimwe.”

Vanoti Hurumende iri kuita chirongwa chekudzidzisa varimi mashandisirwo akanaka emadrone.

“Kusati kwava neruzivo urwu, varimi vazhinji vaishandisa pombi dzezvigubhu izvo vaibereka kumusana vachifirita zvirimwa. Izvi zvaiita kuti vatore nguva yakareba vari mumunda vachiita chinhu chimwe chete uye mikana yekurasikirwa nemushonga pamuviri wavo yaiwanda zvichiisa utano hwavo panyatwa. Drone rinofirita nzvimbo yakakura mukati menguva diki uye kana wapedza woridzikisa,” vanodaro VaNyamasoka.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Mai Maivepi Jiti, vanoti kushandiswa kwemadrone kunobatsira varimi kuti varonge mabasa avo nenguva.

“Varimi vanogona kuhaya Drone vakawanda vofiritirwa minda yavo nguva imwe chete saka zvichideredza kurasikirwa nemishonga nekuita kuti vasadhurirwe. Hazvisi nyore kuti murimi wose atenge muchina uyu nekuti unodhura asi pakaita varimi vashoma vanawo vanohayisawo kune vamwe,” vanodaro.

Muchina wemhando yeT-40 Drone unokosha US$35 000 apo mimwe midiki yakadai seT-30 ichiita US$27 000.

Share This:

Sponsored Links