‘Mitambo inobatanidza ruzhinji’

20 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
‘Mitambo inobatanidza ruzhinji’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA munyaya dzekunyora mabhuku pamwe nekuita mitambo yemadhirama – Aaron Chiunduramoyo (68) – anoti mitambo yechivanhu yakakosha kubva pasichigare sezvo ichibatanidza vanhu nekuvawanisa mukana wekupangana mazano, pakati pezvimwe.

“Tine mitambo yakaita sengano dzaiitwa nanambuya, zvirahwe, tsumo nemadimikira zvaiitwa munguva yehusiku vanhu vabva kumabasa akasiyana. Vanhu vaitomhanya kunoungana kudzimba kwanambuya vachiterera ngano nezvimwe zvaiita kuti mhuri dzigare dzakaungana nekudzidziswa kukudzana.

“Imomo, vanhu vaibva vaziva mitupo yavo yose sezvo madzimbuya nemadzisekuru vaishevedza vanhu nemitupo yavo zvakaita sekuti imi Museyamwa, Mwendamberi, Mhofu, Soko namaMoyo izvo zvaibatsira kuumba hunhu,” anodaro Chiunduramoyo.

Anoti kune mitambo yakaita semapira, kurova makuva, makonzati, muchongoyo, mhande nekatekwe iyo inobatsira kuti vanhu vaungane vachifara nekupanana mazano mune zvakawanda.

Aaron Chiunduramoyo

“Mitambo iyi yaisanganisa vanhu uye nanhasi mimwe ichiriko zvinoita kuti vanhu vawane nguva yekuonana vachizivana zvizere nekupanana mazano. Vana vanozivana zvopedza makunakuna, zvinoumba rudo muvanhu uyewo zvinoita kuti nzvimbo dzichengetedzeke nekuti hapana vavengi vanopinda pasina kuzivikanwa,” anodaro.

Chiunduramoyo anoti mitambo iyi yaipa mikana yekuti vanhu varoorane vematongo vanozivana patsika dzavo.
Anokurudzirawo kuvambwa kwenzvimbo dzinoungana vechidiki vachisangana nevechikuru vachivadzidzisa tsika dzepasichigare sezviri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Dr Auxillia Mnangagwa.
Chiunduramoyo anoti mitambo yakaita sejakwara nenhimbe inokurudzira mushandirapamwe.

“Panguva iyi vanhu vanenge vachipura zvingava zviyo kana mhunga nezvimwewo zvirimwa pachiimbwa nekudetembwa mitupo yevanhu vakasiyana. Kungava kusakura kana kudyara, paibikwa doro kana mahewu emasvusvu kana kuti bumhe nekuuraiwa huku kana mbudzi vanhu vachidya vachifara, zvinounganidza vanhu zvoumba rudo mukati meruzhinji,” anodaro Chiunduramoyo.

Anoti doro raibikwa pamitambo iyi nderechivanhu re’seven days’ apo pairidzwa ngoma vanhu vachidzana kutamba.
“Mumitambo iyi, maiburitsawo nyanzvi dzekuimba nekutamba zvakaita seyainzi Dzumbunu Choir ine nziyo dzava kutevedzerwa nevamwe vaimbi izvozvi dzeJiti saChikwama chababa chine madhora.”

Chiunduramoyo anoti mumakungano aya, vanhu vanenge vaine daka vaitsiurwa nemadimikira kana kutaurirwa pachena kuti vasiyane netsika dzavo.

Mimwe yemitambo iyi inonzi yaiitwa panguva yejenaguru panoitwa ndari nguva yeChirimo.

“Kwakazouya mabhawa anounganidzawo vanhu uko vanonwa nekupanana mazano. Kare maiona kwaiva nemabhaisikopo airatidzwa pachena akaita seriya rainzi ‘Tiki’, vanhu vachiungana vachiwana kwekutandarira nekuvaraidza pfungwa. Kwaivawo nemaTea Party uko kwairidzwa mabhanju nemapen hwisiri. Ini ndaitoridzawo uye ndinayo,” anodaro Chiunduramoyo.

Anoti vachena vakazounza dzimba dzekuonera mafirimu izvo anofananidza nemitambo yechivanhu.
“Makereke ari kuita basa guru rekudyidzanidza vanhu nekuumba hukama nekunamata. Ndakadzidza zvakawanda kubva kumakungano emhando dzakasiyana pandakauya muHarare mugore ra1973.

“Ndinokurudzira makanzuru neHurumende kuti vadzose nzvimbo dzekutandarira uko kwaionekwa mafirimu nenhandare dzebhora dzemumamisha kuti vana vawane kwekuswera sezvo vazhinji vava kuita basa rekuputa mutoriro nekutora zvimwe zvinodhaka,” anodaro Chiunduramoyo.

Share This:

Sponsored Links