Mitengo yezvirimwa mitsva yaziviswa

04 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Mitengo yezvirimwa mitsva yaziviswa Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yazivisa mitengo yezvirimwa apo varimi vachiri kudyara mwaka uno (Pre-Planting Producer Prices for Strategic Commodities) nemadhora ekuAmerica pamwero wakakwirisa zvekuti varimi vanokwanisa kupunduka.

Chibage chichatengwa neUS$335 patani iyo inongoda kufanana neinotengwa nayo tani kubva kunze kwenyika kana yasvika muZimbabwe.

Mutengo wechibage chisati chadyarwa weUS$335 patani, uye mari yekurima inosvika US$1 602,20 pahekita negoho repakati nepakati rematani 5,5 pahekita, zvinopa murimi purofiti yepakati nepakati yeUS$43 patani neUS$240 pahekita imwe chete.

Mitengo yezvimwe zvirimwa inoti soya bhinzi US$597,59 patani, maringazuva US$687,23 patani, donje Grade D US$0,40c pakg, Giredhi C US$0,41c pakg, Giredhi B US$0,43c pakg uye Giredhi A US$0,46c pakg.

Vachizivisa nezvemitengo iyi nemusi weChitatu svondo rapera, gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr Anxious Jongwe Masuka – vanoti zvirimwa zvakadai sechibage, soya bhinzi, maringazuva nedonje zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Mitengo yezvirimwa zviri kudyarwa mugore ra2022-23 yakakosha zvikuru uye tinogara tichiizivisa kune varimi gore negore vasati vatanga kudyara. Kuzivisa kwatiri kuita varimi maringe nezvemitengo iyi kwakakosha kuitira kuti vange vachiziva mitengo yezvinhu zvavari kurima uye zvichavabatsira kuti vaite purofiti nekuti vanenge vava kuziva kukosha kwezvavakarima kusvika panguva yavanozoenda kumisika,” vanodaro.

Dr Masuka vanoenderera mberi vachiti: “Pachibage, tiri kutarisira kuwana matani 5.5 pahekita kureva kuti chinofanira kuwedzera nechikamu che15 percent kana tichienzanisa nematani 3.68 pahekita akawanikwa muna2020/21 uye matani 3.89 pahekita emumwaka wa2021/22,” vanodaro.

Chibage chichatengwa neUS$335 patani imwe chete iyo inongoda kufanana neinotengwa nayo tani kubva kunze kwenyika kana yasvika muZimbabwe.

Vanoti fetereza ndiyo iri kutora mari yakawanda mukurima apo murimi anoburitsa chikamu che48.6 percent chemari yese yaanoshandisa pahekita imwe chete.

Vachitaura pamusoro pesoya bhinzi nemaringazuva, Dr Masuka vanoti mitengo yemaringazuva yakatarwa iri pamberi nechikamu che15 percent kupinda yesoya bhinzi uye pachitarisirwa kuwanikwwa goho rematani 2.5 pahekita yesoya bhinzi.

“Kubva paongororo yakaitwa, tinoona kuti mitengo yezvinodiwa mukurima soya bhinzi pahekita inoita iyo US$1 299.11. Mukutengesa chirimwa ichi kunze panowanikwa mari inoita US$597.59 patani.”

Vanokurudzira varimi vedonje kuti vadyare mbeu yemandorokwati.

“Varimi vazhinji vari kuwana mbeu yavo kuburikidza nechirongwa chemutungamiri wenyika cheCotton Presidential Inputs Scheme pasina muripo. Izvi zviri kubatsira mukuderedza nyaya dzekudhurirwa kwevarimi mukutenga zvekurimisa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti mitengo yedonje ichafambirana nemhando yacho kuti rakanaka zvakadii.

“Pasi rose, chikamu che41 percent chedonje chichashandiswa mukugadzira machira ekusonesa mbatya (lint) apo chikamu che70 percent chichatengeswa kune dzimwe nyika. Lint inotariswa nemisika mukuru yepasi rese pamitengo yayo. MuZimbabwe, tinoshandisa magiredhi edonje mukudzika mitengo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>