Mombe 500 000 dzafa neJanuary Disease

30 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Mombe 500 000 dzafa neJanuary Disease Mombe dzichidhibha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvezvipfuyo reDepartment of Veterinary Services (DVS) rinoti mombe dzinosvika 500 000 munyika yose dzafa nechirwere cheJanuary disease icho chinokonzerwa nezvishambwe kana kuti zvikwekwe kubva muna2017 kusvika 2019.

Bazi iri rinoti zvakakosha kuti varimi varambe vachidhibhisa mombe dzavo zvisinei nekuti wave mwaka wechando senzira yekurwisa dambudziko rezvikwekwe.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director kuDVS, vanoti kudhibhisa mombe kwakakosha zvikuru nekuti kunoderedza kupararira kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe.

“Kubvira muna2017 kusvika 2019, nyika ino yakarasikirwa nechidimbu chemiriyoni chemombe nekuda kwechirwere cheJanuary disease. Zvirwere zvezvishambwe zviri kukonzera chikamu che75 percent chendufu dzemombe munyika uye zvirwere zvina izvo zviri kukonzera kufa kwemombe zvinoti January disease, gall sickness, heart water nered water,” vanodaro.

Dr Nyika vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira varimi kuti vaendese mombe dzavo kumadhibhi ari pedyo navo kuti tikwanise kukunda muhondo yekurwisa zvirwere zvezvikwekwe. Kune vamwe varimi vanofunga kuti kana mombe dzavo dzikauya kumadhibha ndipo padzinobatira zvishambwe, izvo kwete.

“Kudhibhisa mombe ndiyo yoga nzira yekupedza dambudziko iri nekuti kana mombe ikapinda mudhibhi rine mvura yakaiswa mishonga, inotobudamo yachena apo zvishambwe zvose zvinobva zvafa.”

Dr Josphat Nyika

Dr Nyika vakaparura zviri pamutemo dhibhi reNyamherere riri kuMudzi munguva pfupi yadarika.

Zvisinei, vanoti kunyangwe kudhibhiswa kwemombe kuchitsigirwa neHurumende, varidzi vemombe vanotutsirawo mari shoma mubasa iri kuti vayamurike.

“Kudhibhiswa kwemombe hakuitwe pachena asi murimi anotobvisawo US$2 kana mari yemuno inofambirana nemusika wemabhengi pamombe imwe neimwe. Tinokurudzira varimi kuti varambe vachidhibhisa mombe nguva nenguva vachibhadhara mari yavo nekuti ndizvo zvimwe zvinobatsira kuti mishonga itengwe nenguva.

“Pasi pemutemo weAnimal Health Act Chapter 19:10, imhosva huru inotoendesa murimi kujeri kana akafambisa zvipfuyo zvake zvingava mombe, mbudzi, hwai, madhongi, huku nezvimwe pasina mvumo kubva kumapurisa nekuti zvinoita kuti zvirwere zviwanikwe zvichiparadzirwa kumatunhu nematunhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>