Mombe dzinorwara dzauraiwa

26 Jul, 2023 - 09:07 0 Views
Mombe dzinorwara dzauraiwa BAZI reDepartment of Veterinary Services (DVS) rakauraya mombe nomwe dzaifambiswa dzisina magwaro uye dzichibva kunzvimbo isiri kutenderwa kufambiswa kwadzo.

Kwayedza

Samuel Kadungure

BAZI reDepartment of Veterinary Services (DVS) svondo radarika rakauraya mombe nomwe dzakanga dzabviswa zvisiri pamutemo panzvimbo yadzaichengeterwa kuti dzinourawa, nyama yacho igoiswa mumabhucha ari kunze kwedunhu reManicaland.

Mombe idzi dzinonzi dzakatengwa kunzvimbo yeTanda, kuMakoni North, uko kune madhibhi mana akavharwa uye akachengetedzwa zvichitevera kunyuka kwechirwere cheJanuary Disease (JD) neFoot Mouth Disease (FMD).

Kana nzvimbo yanyuka zvirwere zvemhando iyi, hazvibvumidzwe kufambisa zvipfuyo mukati nekubuda mairi senzira yekurwisa kupararira kwezvirwere izvi.

Mumwe mushandi anoona nezvezvipfuyo kuDVS akabata rori rainge rakatakura mombe nomwe mambakwedza eMugovera wadarika mumugwagwa weMayo-Chiendambuya.

Vanhu ava, avo vasina kuzivikanwa kuti ndivanaani, vakaendeswa kumapurisa ekuMayo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, havana kukwanisa kubatika kuti vataure nezvenyaya iyi.

Zvichakadaro, svondo rapfuura, Insp Muzondo vakati pane zvikwata zvemapurisa zviri kubatsira padambudziko rekubiwa kwezvipfuyo uye nekuona kuti kana zvichifambiswa zvine magwaro akakodzera.

Vasungwa ava vanonzi vaifamba nemombe idzi vasina mvumo yemapurisa uye nemagwaro eDVS.

Zvinofungirwa kuti nhubu idzi dziri kunyengera varimi nemari yekunze kuti dzitenge mombe dziri kurwara pasina kutevedzera zvinodiwa pasi pemutemo.

Provincial Veterinary Officer kuManicaland, Dr Charles Guri, vakapihwa gwaro rekuparadza mombe idzi naChief Director weDepartment of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, nemusi wa10 Chikunguru.

Director veDVS vanopihwa simba rekutora danho rakadaro maererano nemutemo weAnimal Health Act Chapter 19:01, Section 8, subsection (1) ne(2) pamwe chete neSection 7, subsection (3), ndima (a) ine chekuita nekuparadzwa kwemhuka nezvinhu zvinokonzera zvirwere zvinopinzwa muZimbabwe.

Dr Guri nechikwata chavo vakaparadza mombe idzi neChipiri svondo rapera.

Vanoti pane dzimwe nhubu dziri kutyora mutemo kuburikidza nekutenga mombe dzinorwara neJanuary Disease neFMD uye kudziuraya nekuzotengesa nyama yacho pasina kukoshesa utano hweveruzhinji.

Mazana nemazana emombe dziri kufa nezvirwere izvo zviri kuita kuti vamwe varimi vatengese mombe dzavo dzine chirwere kumabhucha.

“Takaparadza mombe nomwe dzose dzakanga dzabviswa zvisiri pamutemo kwaTanda, kuMakoni North. Nzvimbo iyi yakavharwa kuti zvipfuyo zvisapinde nekubuda nekuda kwechirwere cheJanuary Disease neFMD. Hapana kufamba kwezvipfuyo kunobvumidzwa kupinda nekubuda munzvimbo iyi.

“Tine vari kufamba munzvimbo iyi vachitenga zvipfuyo zvinorwara zvekunouraya. Mombe idzi hadzisi kuwaniswa mukana wekuti dzipore kubva kuzvirwere izvi. Mumwe anoita basa rekuuraya mombe achitengesa nyama yacho akambopihwa yambiro nguva yadarika asi ari kuramba achizviita,” vanodaro Dr Guri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>