Mombe dzopera kufa

11 Feb, 2022 - 13:02 0 Views
Mombe dzopera kufa

Kwayedza

Sharon Chimenya

BAZI rinoona nezvezvipfuyo reDepartment of Veterinary Services (DVS) rinoti varimi vekudunhu reMasvingo varasikirwa nemombe dzinokwana 365 musvondo rimwe chete nekuda kwechirwere cheJanuary Disease icho chinokonzerwa nezvikwekwe.

Varimi vari kukurudzirwa kugara vachidhibhisa mombe dzavo nezvimwe zvipfuyo nguva dzose nedonzvo rekuuraya zvikwekwe izvo zvinokonzerawo zvirwere zvakawanda munguva ino yekunaya kwemvura.

Dr Kudakwashe Makwangudze avo vakafanobata chigaro chemukuru weDepartment of Veterinary Services kuMasvingo vanoti kufa kwemombe dzinokwana 365 musvondo rimwe chete zvinoratidza kusimuka kwechirwere ichi mudunhu iri.

“Nguva ino yekunaya kwemvura chirwere ichi chinowanda sezvo chichikonzerwa nekurumwa kwezvipfuyo nezvikwekwe izvo zvinogara muhuswa apo hunokura zvakanyanya mumwaka weZhizha. Chave kudiwa kudhibhisa mombe nezvimwe zvipfuyo mushure memazuva mana kana mashanu,” vanodaro Dr Makwangudze.

Vanoti nzvimbo dzadzika midzi chirwere ichi kuMasvingo dzinosanganisira Bikita, Zaka, Gutu nekwaChivi.

“Svondo rakapera, ndiro rakanyanya kunetsa dambudziko iri uyewo mumwedzi wose takawana mombe dzine chirwere ichi dzinokwana 733 kuchibva kwafa 365. Kubva kutanga kwegore rino, mombe dzabatwa nechirwere ichi dzinosvika 1 040 ndokufa 528,” vanodaro Dr Makwangudze. Vanoti mishonga yekudhibhisa mombe nezvimwe zvipfuyo iripo inokwanirana mudunhu reMasvingo kwegore rose.

“Nekukura kwaita dambudziko rechirwere ichi mudunhu redu, tiri kufamba tichitaura nevakuru vemunzvimbo dzakasiyana kubva kumasabhuku, madzishe, makanzura nevamwe kuti vasimbise nyaya yekudhibhiswa kwemombe nezvimwe zvipfuyo.

“Tiri kuti varimi vadhibhise mombe dzavo mushure memazuva mana kana mashanu oga-oga. Tikaona varimi vasingatevedze mitemo iyi vachitaurirwa nevakuru vavo pamwe nesu, tichatora matanho akaomarara vopihwa zvirango zvavo,” vanodaro Dr Makwangudze.

Vanoti zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zviri kuwanda mwaka uno nekunaya kuri kuita mvura.
“Vamwe vanoita dhibha rekumwaya nepombi asi tinokurudzira kuti mombe dzidhibhiswe zvakare mumadhibha chaiwo munony’ura mombe yose mumvura zvinoita kuti mishonga ipinde pose-pose pamuviri wemombe,” vanodaro Dr Makwangudze.

Share This:

Sponsored Links