MoneyMaker yosimudzira madiridziro

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
MoneyMaker yosimudzira madiridziro CDE Joseph Made

Kwayedza

HURUMENDE iri kukurudzira varimi kuti vashandise dzimwe nzira dzemadiridziro dzakareruka dzisingade kushandisa mari yakawanda kuitira kuti vakwanise kurima kwegore rose.

Vachitaura nevarimi pachirongwa chekuparurwa kweimwe nzira yemadiridziro inodaidzwa kuti MoneyMaker Manual Irrigation Pumps, gurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti ibasa revarimi kuti vatsvake nzira dzinovarerukira pakuita basa ravo.

“Ibasa revarimi vedu kuti vange vachideredza matambudziko akaunzwa nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Varimi havafaniri kusarira kumashure asi kuti vanofanira kufambirana nenguva kuburikidza nekushandisa ruzivo rutsva rwemadiridziro rwakadai seMoneyMaker Manual Irrigation Pumps. Madiridziro erudzi urwu akakoshera varimi nekuti haashandise mafuta akaita sepeturu kana dhiziri kana magetsi. Panongoshandiswa simba remawoko ako kuti unge uchidiridzira zvirimwa zvako. Saka akakoshera zvikuru varimi vadiki,” vanodaro Dr Made.

Vanoti zvirongwa zvemhando yemadiridziro akadai zvakakosha zvikuru nekuti zvinoderedza nzara nehurombo munyika zvichibatsira zvakare mukusimudzira utano hwenyika.

“Kuburikidza neMoneyMaker Irrigation Scheme tinoona chirongwa cheZimAsset chichifambira mberi,” vanodaro.

Dr Made vanoti varimi vanoshandisa michina yemadiridziro yakadai vanokohwa pakuru sezvo isingavadhurire kana zvichienzaniswa neavo vanoshandisa magetsi nedhiziri.

“Varimi vadiki vanokwanisa kukohwa pakuru vachiendesa zvirimwa zvavo kune dzimwe nyika nekudaro tinopembedza zvirongwa zvemadiridziro nekuti zvinosimudzira raramo yavo zvakasimba,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko, gurukota rinoona nenyaya dzemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda Cde Nyasha Chikwinya vanoti madiridziro emhando iyi akakosha zvikuru kumadzimai ari munyaya dzezvekurima sezvo ari nyore kushandisa.

“Mhando yemadiridziro iyi yakakosha zvikuru nekuti inoderedza nguva iyo madzimai anopedza ari muminda uye haidhure nekuti haishandise magetsi nedhiziri,” vanodaro.

Mukuru wekambani yeMoneymaker, VaBrian Vere, vanotiwo kambani yavo iri kubatsira mukusimudzira upfumi hwenyika nekuona kuti chikafu chawaniswa kuvanhu chakakwana kuburikidza nekubatsira varimi vadiki.

“Chirongwa cheMoneyMaker chinobatsira zvikuru kuti nyika ichengetedze kudya uye varimi vane mikana yekurima zvirimwa zvavo kwegore rose zvichiwedzera goho. Kuburikidza nemadiridziro, varimi vanokwanisa kuzviraramisa vachitengesa zvirimwa zvavo kumisika yemuno neyekunze,” vanodaro VaVere.

Kambani yeMoneymaker inoshanda pamwe neyeKickStart mukugadzira pombi dzemadiridziro dzemhando yeMoneyMaker dzinova nyore kushandisa sezvo dzisingaremi.

 

Share This:

Sponsored Links