Muchaworera mujeri: Muchinguri

05 Dec, 2014 - 00:12 0 Views
Muchaworera mujeri: Muchinguri

Kwayedza

ZIMBABWE ichava nemutongo wakaomarara, unoita kuti anobatwa nemhosva yekubhinya aworere mujeri kwemakore 30.

Izvi zvakaziviswa negurukota rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, svondo rapera muHarare apo vaiparura chirongwa chekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi, che16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Cde Muchinguri vakati apo dare reCabinet richatambira zvisungo zvakapihwa, vanobata vana vane zera rekubvira pakuzvarwa kusvika makore 12 okuberekwa, kubata chingochani nevanobhinya vachiziva kuti vane utachiona hweHIV, vachatongerwa kuworera mumajeri kwemakore 30.

Vanoti zvisungo izvi zvinotevera hurukuro dzakaitwa nemapoka akasiyana pamusoro pekuwanda kuri kuita nyaya dzekubata chibharo.

Cde Muchinguri vanoti pari zvino vanhu vari kubatwa nemhosva dzekubata chibharo vari kupihwa mitongo yakasiyana.

Vakapa muenzaniso wenyaya yakafumurwa neKwayedza gore rino, yemumwe murume wekuBuhera, uyo vakati akawanikwa asina mhosva nedare apo aipomerwa kubata chibharo vanasikana vake vaviri vane makore 13 ne15 okuberekwa, nekuda kwekushaikwa kweumboo. Vana ava vakasvika pakubata mimba uye vose vatova nevana.

Cde Muchinguri vakati izvi zvinoratidza kusamira zvakanaka maringe nematongerwo enyaya dzakadai.

“Hatingarambe tiine mamiriro ezvinhu ekuti kuba mombe kunoonekwa semhosva huru kudarika kubata chibharo,” vakadaro.

Vakataura izvi zvichitevera mimwe mitongo inopihwa kumatare apo munhu anowanikwa aine mhosva yekuba mombe anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore akawanda kudarika anenge abata chibharo.

Cde Muchinguri vakakurudzirawo mhuri kuti dzigare murunyararo pasina mhirizhonga.

“Hurumende iri kushanda nemadzishe, vemakereke pamwe nemasangano akazvimiririra mukudzidzisa vanhu magariro akanaka,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>