‘Mudzimai anondibatira banga’

30 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
‘Mudzimai anondibatira banga’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare achema-chema pamberi pedare achiti mudzimai wake ane katsika kekumubatira banga achida kumucheka naro uye nekushevedza mamonya pakati pehusiku ayo anomuzvambaradza kumurova nekumutuka.

Honest Shona audza dare reHarare Civil Court kuti ave kutyira upenyu hwake nekuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, Sibongile Ngete.

“Ndiri kufungidzira kuti mudzimai wangu Sibongile Ngete ndiye anotuma vanhu vanouya kuzondirova pose patinotadza kuwirirana mumba medu. Zvivindi zvake ndezveiko kundinongedzera nebanga kana paine zvanetsa mumba?” anodaro Shona.

Achipawo divi rake, Ngete anoti murume wake ari kutaura manyepo mudare.

“Zvose zvaari kutaura manyepo, Shona kana adhakwa anoita musindo kubhawa ikoko izvo zvinozoita kuti ateverwe kumba osvikorohwa nevanhu vaanenge adenha. Munhu anoda kugara achirwisana nevanhu kumabhawa ikoko uye kana arohwa oti zvikomba zvangu,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi varasa chikumbiro chaShona chegwaro redziviriro nekuda kwekushaikwa kweumboo huzere hwekuti ari kushungurudzwa nemudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>