Mudzimai hutu ne’muzukuru’ wekubasa

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mudzimai hutu ne’muzukuru’ wekubasa

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME wemuHarare anoti akaitwa zvinorova nemudzimai wake uyo akaunza chikomba chake kuti achipinze basa pakambani yake achiti muzukuru wake.

Clive Togara akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Tatenda Tashaya achiti akamutorera mudzimai wake uye pamusoro pezvo, ari kumushungurudza.

Mutongi Tilda Mazhande anoti vaviri ava vadzoke kudare munguva inotevera apo achapa mutongo wake.

“Mukomana uyu ndakashanda naye ndisingazive kuti aisara achishinha nemudzimai wangu pandainge ndisipo ndaenda kunohodha kunze kwenyika uye ndakatozozviziva nhumbu yazvarwa yemwana ainzi ndewangu wechipiri,” anodaroTogara.

Anoti haasisina rugare sezvo Tashaya achifamba achiparidzira mashoko akaipa pamusoro pake kuvanhu izvo zvave kukonzera kuti atadze kushanda nevamwe zvakanaka sezvo ava kutumidzwa mazita emadunhurirwa.

“Inini handisi kuda kuona mukomana uyu pedyo neni, kana kuuya pandinoshandira nekuti ndikamuona ndinonzwa kurwadziwa nekukanganisa kwaakaita upenyu hwangu. Vaindibira mari nemudzimai wangu iyo yavakazoshandisa kutanga bhizimusi ravanaro nhasi,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tashaya anoti Togara anorwadziwa kuti akaroorerei aimbova mudzimai wake nekudaro vanogara vachinetsana.

“Ndakaroora aimbove mudzimai wake uye tatova nevana vaviri tose saka zvinomurwadza. Hazvigone kuti andirambidze kushandira pandinoda nekuti ndinenge ndichida kuraramisa mhuri yangu,” anodaro Tashaya. Anoti Togara ane godo neupenyu hwake uye anorwadziwa nekuti ari kugona kuriritira mhuri zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>