
Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo weSungura ari kusimukira uye ane mukurumbira — Mathew ‘Strategy Machine’ Perego — anoti haana neremumuro nekutambirwa kwaari kuitwa nevatsigiri vemhanzi.
Perego kana kuti Chando cheRed, uyo anotungamira chikwata cheStrategic Band, asati azvimirira aizivikanwa achishanda nevaimbi vane chitsama vakaita saRomeo Gasa, Simon Mutambi, Peter Moyo, Mark Ngwazi, Alick Macheso, First Farai, Baba Harare naSolo Moyo.
Kutanga kwegore rino, akazvimirira ndokutsikisa dambarefu rekutanga rinonzi Dhiri Rakanaka iro rakagamuchirwa zvikuru nevatsigiri vemhanzi.
Dambarefu iri rine kambo kanonziwo Dhiri ako kakaita mukurumbira izvo zvakaona imwe kambani ichimutengera magitare matatu yafarira mhanzi yake.
“Handina neremuromo nekugamuchirwa kwandaitwa nevatsigiri vemhanzi, rutsigiro rwavo ruri kundisunda kuti ndirambe ndichishanda nesimba.
“Nemakore andashanda mumhanzi, pandakangozvimirira, vatsigiri vakab...