Mukadzi nemurume vonetserana vamwene

13 Feb, 2024 - 13:02 0 Views
Mukadzi nemurume vonetserana vamwene Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti apinda dambudziko rakakura nemudzimai wake uyo asingade kuti atumire amai vake mari yekubhadhara mukomana wemombe pamwe neyekushandisa pamusha zvekuti haachada kana kumuwachira mbatya dzake nekuda kwenyaya iyi.

Comfort Zarota akaendesa Talent Kandoto kudare reHarare Civil Court achiti akangotaura nezvaamai vake chete, zuva iroro anoramba kuvhura gonhi abva kubasa kana kumunyima chikafu.

“Tine takishopu yedu saka kupera kwemwedzi tinofanira kutumira amai vangu mari yemukomana webasa, ndipo patinobva tatanga kunetsana achiti kwedu hakunawo mombe saka unoda kutumira amai vako mari yei. Mazuva iwayo hakudyiwe rinopisa, ndikabva kubasa husiku anoramba kuvhura gonhi achiti rara panze,” anodaro Zarota.

“Haachatodi kuwacha mbatya dzangu achiti amai vangu ndivo vanofanira kuwacha nekuti ndinovatumira mari kupera kwemwedzi. Haachatodi zvekare kuti ndibate mari yemutakishopu asi tinofanira kuronga tiri pamwe chete samai nababa,” anodaro.

Achipawo divi rake, Kandoto anoti haachadi murume uyu nekuti anodanana nevakadzi vakawanda.

“Kubvira pavakatanga kudanana nemudzimai wavainaye, ndakavati ngatiende kunotorwa ropa titariswe hutachiona asi havadi. Ndinotyira upenyu hwangu nekuti hunhu hwavo handichahunzwisisa,” anodaro Kandoto.

“Anoda kuita ruzha neni pose paanouya kuzoona vana achindituka kuti pfambi. Ndine gwaro redziviriro uye pose pandonomhan’ara kumapurisa, anoita chiokomuhomwe orega kusungwa.

“Mazuva apfuura akati anoda kundipisira mumba nevana, akatengesa chidimbu chenzvimbo yatinogara uye ndokunovhurira shamwarikadzi yake takishopu asi ndokusiya mangu musina kana chekutengesa.”

Zarota anoti ane madzimai maviri uye Kandoto anokurirwa neshanje.

“Mudzimai wangu dzangove shanje nekuti ndakaroora mumwe mukadzi, ndinovaitira zvakafanana. Nyaya iripo ndeyekuti ari kutamba nemadzimai anoita zvechipfambi ndokusaka mumba maita dambudziko,” anodaro Zarota.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Zarota gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>