Mukuwasha anopfekera ambuya ka’boxer short’

14 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Mukuwasha anopfekera ambuya ka’boxer short’

Kwayedza

Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawayo akazomhanyira kudare reWestern Commonage Civil Court achikumbira kuti mukuwasha wake, uyo anogara akadhakwa uye asingamuremekedze sezvo achimutuka nekufamba-famba mumba akapfeka chikabudura (boxer shorts), abve pamba pake.

Sithulisiwe Mafu (56) anoti ari kudemba kutendera kwaakaita mukuwasha wake, Arnold Mpofu (29), kuti vagare vose.
Anoti mwanasikana wake, uyo akaroorwa naMpofu, ndiye akakumbira kuti vagare vose uye pakutanga vaigara zvakanaka.
Mafu anoti hunhu hwemukuwasha wake hwakazosanduka kwapera mwedzi vachigara vose apo akatanga kuita mabasa emugadheni akapfeka chikabudura chete zvinova zvakaita kuti audze mwanasikana wake kuti ataure naye asi haana kuterera sezvo akangoramba achizviita.

Mafu anoti akazosvika pakushaya ganda kumeso ndokuudza mukuwasha wake kuti amuremekedze uye asiyane nekatsika kekupfeka chikabudura chete kana ari pamba asi akaramba akaisa zvimiti munzeve.

Anoti mukuwasha wake anouya kumba akadhakwa, otanga kumutukidzira nezvinyadzi.

“Ndiri kukumbira gwaro redziviriro kubva kumukwasha wangu uyu wandiri kugara naye pamba pangu nekuti panguva yaanenge akazorora kana kuita zvemugadheni, anopfeka zvikabudura. Ndakamuudza kasingaperi kuti pachivanhu hazvitenderwe kupfeka chikabudura pana ambuya.

“Kana ndamutsiura, anozoenda kubhawa onwa doro, paanodzoka otanga kundituka achidaidzira achiti ndinomubata nekuseri kweruoko uye anoti ari kubhadhara rendi saka ane kodzero yekupfeka zvaanoda,” anodaro Mafu.

Achipawo divi rake mudare, Mpofu anoti haaone chakaipa nekupfeka kwaanoita zvikabudura ambuya vake varipo.
“Ndaipfeka chikabudura nekuti ndinotora Mafu saamai vangu uye handina kuona paine chakashata kuti ndipfeke chikabudura,” anodaro.

Mutongi Shepherd Mnjanja akapa Mafu gwaro rekudzinga Mpofu pamba pake mushure memwedzi mitatu.

Pamusoro peizvi, akayambirwa kuti asatuka ambuya vake uye kupfeka zvakanaka sezvo achiri kugara pamba paMafu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>