Mupurisa akanwa muchetura

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Mupurisa akanwa muchetura Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUPURISA weZimbabwe Republic Police (ZRP) uyo ange achigara kuMabvuku, muguta reHarare, anonzi akazviuraya nekunwa muchetura.

Chikonzero chakaita kuti atore upenyu hwake hachisati chave kuzivikanwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezverufu rwaConstable Spencer Savanhu vachiti vakafa nemusi weChina wadarika.

“Tine mupurisa akarasikirwa neupenyu mushure mukunwa muchetura. Akangowanikwa akarara pasi achibva aendeswa kuchipatara uko zvakaonekwa kuti pane mapiritsi aainge anwa ane muchetura uye ainge atofa nechekare,” vanodaro.

Vanopokana nemashoko ari kutenderera pamadandemutande anosanganisira paWhatsApp anoti mupurisa uyu ainge adyirwa mari yake nemagevha anoita zvekukweretesa mari kuti ibereke (pyramid investment scheme).

“Zvekuti akanga any’udzwa mari yake nepyramid scheme izvozvo hatina kuziviswa hedu. Tinogoziva nyaya yekuti mupurisa wedu akafa nemuchetura uye tinoyambira veruzhinji kuti vachengetedze upenyu nekuti kuzviuraya handiko kunogadzirisa dambudziko rinenge riripo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>