Mupurisa ofemeswa naDembo

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUPURISA wekunzi anodanana nemurume wemuridzi akazoenda kudare achiti ashaiswa rugare nekugara achirohwa pamwe nekuvimbiswa rufu nemudzimai wemurume uyu.

Zvanatsai Marusvotsa, uyo anoshanda semupurisa, akamhan’arira Linah Dembo kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza achimutuka, kumurova nekumuvimbisa kumuuraya nenyaya yekuti ari kudanana nemurume wake.

“Murume wamai ava akatanga kundinyenga 1998 tikazorega kudanana mushure mokunge ndaziva kuti ane mukadzi. Tikazosanganazve 2010 akaenderera mberi nokundinyenga, ndipo pakazoziva mukadzi wake kuti tinodanana akamhan’ara kumapurisa ini ndikabhadhara faindi ye$100 yekumuchenura.

“Ndakafunga kuti zvapera sezvo tanga tava kuwirirana zvekutodya kumba kwemumwe asi ndakazoona vave kundipomera zvakare vachindirova, kundituka nekutofunga zvekuda kundiuraya,” akadaro Marusvotsa.

Dembo akapikisa mashoko aya achiti Marusvitsa anodanana nemurume wake uye anotengerwa midziyo.

“Iwe hautende shuwa, ndakakubatsira uchirwara asi wave kunditenda nekudanana nemurume wangu. Uri kunyepa hamuna kutanga kuonana 1998, makatanga 2010 ndakakubata kumariro wakaisa nhamba yemurume wangu mufoni mako nezita rekuti Kudakwashe,” akadaro.

Dembo akaenderera mberi achiti Marusvotsa anoda kupunza imba yake.

“Vanofonerana nemurume wangu, kutengerwa mubhedha uye unotaura zvokunyepa zvokutoti ndinorohwa nemurume. Ndinotoshaya kuti mupurisa rudzii ane hunhu hwakadai,” akadaro.

Mutongi Diward Kwende akarasa chikumbiro chaMarusvotsa achiti pakange pasina umboo hunogutsa dare kuti ari kushungurudzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>