‘Murume haadi kuti ndiende kubasa, kuchikoro’

18 Aug, 2023 - 17:08 0 Views
‘Murume haadi kuti ndiende kubasa, kuchikoro’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wekuKuwadzana, muguta reHarare, ari kuchema-chema mudare achiti murume wake anomurambidza kuenda kubasa pamwe nekuchikoro chekuti awedzera fundo yake.

Kelly Anotida Gatawa audza dare reHarare Civil Court kuti Phillimon Anesu Machadu ari kumushungurudza zvakanyanya.

Asi Machadu anopikisa mashoko aya achiti akavhurira mudzimai wake chitoro (hardware) chekuti agoshanda arimo vachibatsirana kuchengeta mhuri.

“Ndakamuvhurira shopu nekuti ndakaona zviri nyore kuti tizviitire zvinhu zvedu toga asi iye anoda kunoshandira vamwe. Ngaataure chokwadi kuti handina kumuvhurira shopu here?” anodaro Machadu.

Gatawa anotsinhira kuti ichokwadi chitoro chakavhurwa.

“Hongu, shopu yakavhurwa handirambi, asi murume wangu ane tsika yekuti tikanetsana anondidzinga pamba obva ati zvinhu zvose ndezvake, hapana chako pano pamba. Saka inini ndinobva ndatosara pachena nekudaro ndakatoona kuti zviri nani ndiende kubasa ndikwanise kuzvibhadharira chikoro ndizoitawo zvangu zvinobatika,” anodaro Gatawa.

Mutongi Sharon Mashavira vazivisa Machadu kuti kurambidza mudzimai kuenda kubasa nekuchikoro hazvitenderwe nekuti imwe nzira yekumushungurudza.

“Inonzi ‘economic abuse’ nekudaro hauna simba rekuita zvauri kuita izvi. Nekuoma kwaita upenyu mukore uno zvinoitawo here kurambidza mudzimai kuenda kubasa?

“Handiti munofanira kubatsirana here kuti mhuri irarame? Uri kundiudza here kuti unokwanisa kupa mudzimai zvose zvaanoda?” vanodaro.

Mutongi Mashavira vapa Gatawa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>