Murume orova mukadzi nepoto

17 Jul, 2022 - 17:07 0 Views
Murume orova mukadzi nepoto

Kwayedza

Gibson Mhaka

NYAYA yehutsanana yakakosha uye inogona kukonzera kuti wanano pakati pemudzimai nemurume iputsike kana ikaitwa zvedambe nayo.

Dzimwe nguva, nyaya iyi inokonzera mhirizhonga yemudzimba zvakare.

Izvi ndizvo zvakaitika kune mumwe mudzimai wekuBulawayo uyo anonzi akarohwa kaviri kugotsi nepoto nemurume wake sechirango mushure mekunge aitira weti mubhaketi ravanogezera.

Sylvester Nyatsanga (50 anogara kuSidojiwe Flats pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeBelmont kuBulawayo anonzi akashatiriswa nehuchapa hwainge hwaitwa nemudzimai wake – Providence Ndlovu (30) – ndokumurova nezvibhakera muviri wose uye ndokuzomutema nepoto kugotsi.

Zvinonzi nemusi wa1 Chikunguru gore rino pakati pehusiku, Nyatsanga akamuka ndokuenda kunze kwemba yavo yekurara.

Paakadzoka mushure memaminitsi mashoma-shoma, anonzi akasvikoona kuti mudzimai wake aive aitira weti mubhaketi ravanogezera achisiya ravagara vachiitira weti iyi.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza Nyatsanga zvakaita kuti atange kupopotera mudzimai wake achiti aive nehuchapa.

Vaviri ava vanonzi vakazotanga kurwisana nekuda kwenyaya iyi, Nyatsanga ndokurova mudzimai wake nezvibhakera muviri wose.

Sekunge izvi zvaive zvisina kukwana, anonzi akabva amurova zvakare kaviri nepoto kugotsi.

Ndlovu akakuvara nekuda kwekurohwa uku uye akazoenda kuchipatara kunorapwa.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Nyatsanga asungwe.

Murume uyu akatomiswa mudare achitongwa pasi pemutemo weSection 3 (1) (a) uye Section 4 yeDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye achadzoka kudare nemusi wa2 Nyamavhuvhu apo anenge achitonga achibva kunze  mushure mekubhadhara bhero re$2 000.

 

Share This:

Sponsored Links