‘Murume wangu anoda vasikana vebasa’

03 Apr, 2023 - 10:04 0 Views
‘Murume wangu anoda vasikana vebasa’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anonzi ane katsika kekupfimba vasikana vanomushandira mumba uye kana vakamuramba, anovatsvagira nyaya opedzisira avadzinga basa.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Yeukayi Kupakwayi akaendesa murume wake, Vincent Kupakwatsa, achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevana.

“Murume uyu haatendi zvachose, haadi kuenda kubasa sezvo achida kuswera akagara pamba achishungurudza vana nevasikana vebasa. Inini ndinobuda kunze kwenyika kunohodha zvinhu zvekutengesa kuti tirarame, ndadzoka oti ndiri kubva kunotsvaga zvikomba asi iye achitoona kuti ndauya nezvinhu zvekutengesa.

“Anondituka pamberi pevana zvekutoti ndakachairwa nhare naticha wemwana achiti mwana ari kutuka vamwe vana nezvinyadzi,” anodaro Kupakwayi.

Anoenderera mberi achiti: “Ndaneta kuramba ndichitsvaga vasikana vebasa nekuda kwetsika yababa ava yekupfimba musikana wose wandaunza pandinenge ndaenda kubasa. Kana musikana webasa akamuramba, ndinodzoka adzingwa basa.

“Ndashaya kuti ndoita sei nekuti vana vanoda anovabikira kana ndiri kubasa. Dai murume uyu atsvagawo basa nekuti zvose zvandiri kuita haagutsikane nazvo.”

Kupakwatsa, uyo ange ari mudare iri, anoti haana chaanopikisa pane zvose zvaitaurwa nemudzimai wake.

Mutongi Tamara Chibindi apa Kupakwayi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links