Mutumbi wakanhongwa murwizi

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Mutumbi wakanhongwa murwizi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekuConcession, kudunhu reMashonaland Central, vakanhonga mutumbi wemunhukadzi wainge wakasungwa maoko ose mbiradzakondo nekumashure uyo wavari kufungidzira kuti akafa nekupondwa nevanhu vasati vave kuzivikanwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Fidelis Dhewu, vanoti mutumbi wemudzimai uyu wakanhongwa murwizi rwuri kupurazi reWhiteCliff riri kuConcession nemusi wa10 Gumiguru.

“Tine mutumbi waWinnie Magadu (20) wakanhongwa mumahombekombe merwizi kupurazi reWhiteCliff unova uyo wakawanikwa watowora. Pane murume anonzi Chrispen Tudzu (26) wekuMusvosvi Mine, kwakare kuConcession, aifamba achitsvaga muriwo wemusango unonzi manyanya ndokunzwa kunhuhwa kukuru zvairatidza kuti pane chinhu chakawora. Akazoona mutumbi wemudzimai waiva wakasungwa maoko ose wakatarisa pasi uri mumahombekombe merwizi,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Maoko emutumbi uyu vanoti aiva akasungwa nejira jena uye pedyo nawo paine masiki chinhambwe chingaite mita kubva paiva nechitunha.

Pamusoro pezvo, paivewo neshangu dzemhando yemasandals.

Asst Insp Dhewu vanoti Tudzu akaedza kuongorora kuti azive mutumbi uyu asi akatadza nekuda kwekuwora uko wakanga waita ndokuzonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuConcession.

Vanoti pane murume anonzi Foster Chaka (25) wekupurazi reKiyawora, kwakare kuConcession, uyo akambenge amhan’ara kuti aisaona mudzimai wake zvikazoita kuti mutumbi uyu uzivikanwe kuti waive wemukadzi uyu.

“Mutumbi uyu usati wawanikwa, Foster Chaka akange azivisa mapurisa nemusi wa7 Gumiguru kuti ari kushaya mudzimai wake anova iye akazowanikwa akapondwa. Mutumbi wemudzimai uyu wakaendeswa kuchipatara cheConcession kuti unoongororwa nyaya iyi ichiferefetwa.” 

Mapurisa vari kukumbira kuruzhinji kuti kana pane anoziva nezvevanhu vangangodaro vakaponda mudzimai uyu vazivise mapurisa ari pedyo navo.

“Vane zvavanoziva ngavaridze nhare dzinoti 0774 393 324 kana 0712 913 629 kana 0662107727. Tinoda kuti nhubu idzi dzisungwe dzigopihwa zvirango zvadzo kumatare,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Share This:

Sponsored Links