Mutupo: Soko Chuma

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Mutupo: Soko Chuma

Kwayedza

Evoi Chuma

Soko yangu yiyi yaSamambita.

Maita Gototsa Mukanya,

Chuma chaMukaradzi china mahapa,

Chinoti kapa kapa,

Maita vari kuna Mhomhozi,

Maita vari kuna Mukaradzi naGwetera.

Kuziva zvenyu VaChigumbate, Maita VaSamambita naMunyeche,

Zvaitwa mwana waChikudzunga naDerere,

Aiwa zvaoneka vana vaMadziva,

Zvaonekwa waDzeka naKabija.

A.C Hodza – Department of African Languages: University of Zimbabwe

Share This:

Sponsored Links