Muzukuru oda kupisira ambuya mumba

25 Apr, 2023 - 15:04 0 Views
Muzukuru oda kupisira ambuya mumba Rosemary Naison

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

CHEMBERE yemuHarare inoti yashaiswa rugare nemuzukuru wayo uyo anoenda kumba kwayo pakati pehusiku akadhakwa, otanga kuita ruzha achiti anoda kuipisira mumba kana kutsvaga dzimwe nzira dzekuiuraya.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Rosemary Naison amhan’arira muzukuru wake Tendai Farakeza achiti ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Uyu mwana wemubvana wangu uye ndinogara naye. Anouya nguva dzaanoda pamba, kazhinji kacho vanhu vanenge varara, otanga kuita ruzha achindituka.

“Tikasavhura gonhi anopwanya mafafitera. Kutaura kuno pane fafitera raakapwanya kuitira kuti tikasavhura gonhi anobva apinza ruoko rwake nepaburi ipapo, ovhura gonhi (screen door) ari panze. Inini hangu handichada kuti mwana uyu agare pamba pangu,” anodaro Naison.

Anoenderera mberi achiti: “Anogara achiti nerimwe zuva achandipisira mumba imomo ndotsviramo kana kuti achatsvaga nzira dzekundiuraya nadzo.”

Farakeza haana kuenda kudare.

Mutongi Muzvare Tamara Chibindi vapa Naison gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links