Muzvinabhizimisi akaponda sekuru

11 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Muzvinabhizimisi akaponda sekuru

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anoita basa rekubata hove kuSiakobvu, kudunhu raMambo Mola, kuKariba akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuponda sekuru vake achiti vainge vamubira mari.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Tatenda Manyanga, uyo aive nemakore 17 okuberekwa uye achibva kuBinga, akashanyira muzukuru wake Brave Muzondiwa Bhaureni (38) kubasa kwake kuSiakobvu. Insp Chitove vanoti mushure memaawa mashoma Manyanga achangosvika, Bhaureni anonzi akatanga kupomera sekuru vake kuti vainge vamubira US$60 iyo yaive yemuhoro wevashandi vake. 

“Nemusi wa27 Ndira nenguva dza3 masikati, Tatenda Manyanga akashanyira muzukuru wake Brave Muzondiwa Bhaureni kuMukuyu Fishing Camp. Anonzi akangopedza nguva isingadarike maawa matatu achangosvika ndokubva ava kupomerwa kuti aiva aba mari yemuhoro wevashandi vaBrave Muzondiwa Bhaureni mutende umo vainge vagere. Bhaureni anonzi akaedza kumanikidza Tatenda Manyanga kuti aburitse mari yaainzi ainge aba izvo akaramba kuti akanga aba,” vanodaro Insp Chitove. Bhaureni – uyo anonziwo muzvinabhizimisi ane mabhazi – anonzi akazoenda musango umo akanotema mazishamu ndokuuya nawo achivhundutsira kuti aigona kuuraya sekuru vake nekuda kwenyaya iyi. “Bhaureni anonzi akazotanga kurova Tatenda Manyanga nemapuranga kumusana nekumagadziko achimuti aburitse mari yaaiti aiva aba iyi. Zakaria Musiiwa (37) aivapo anonzi akaedza kununudzira ndokutadza.

“Bhaureni anonzi akazotakura Manyanga nechikepe ndokuenda naye pachitsuwa apo akanomusunga mbiradzakondo akamusungirira pasimbi dzemuchikepe uye akamuisa musoro pasi makumbo mudenga, ikoko ari oga anonzi akafambira mberi nekumurova,” vanodaro Insp Chitove. Vanoti Bhaureni anonzi akazodzoka naManyanga ari muchikepe uye akangomusunga mbira dzakondo asisakwanise kufamba kana kutaura.  Musiiwa anonzi akazotaurira Bhaureni kuti atakure Manyanga kunomurapisa kukiriniki yeManyove asi akaramba akanomuisa mutende yavaigara.

Anonzi akazongotenga mapiritsi ekupomodza marwadzo ndokumupa ari mutende umu apo akange asingakwanise kutaura kana kufamba. “Bhaureni anonzi akachengeta Tatenda Manyanga mutende yavaigara iyi kusvika nemusi wa29 Ndira apo akazofa asina kubatsirwa kuchipatara. Nyaya iyi yakazomhan’arwa nemusi wakare uyu kumapurisa eZRP Siakobvu naZakaria Musiiwa. 

Mutumbi waManyanga wakazoendeswa kuchipatara cheSiakobvu uchizodarikidzwa kuchipatara cheKaroi kuti unoongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>