‘Mvura iri kunaya handi yekudyarisa’

17 Oct, 2023 - 17:10 0 Views
‘Mvura iri kunaya handi yekudyarisa’ Professor Obert Jiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI dzezvekurima pamwe nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department voyambira varimi kuti vambomira kudyara nemvura iri kunaya pari zvino sezvo isina mucherechedzo wekutanga kwemwaka wezhizha.

Izvi zvinotevera kutanga kwakaita mvura kunaya kumativi mana enyika svondo rino.

Munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanoti varimi vanofanirwa kutora mukana wemvura iri kunaya iyi kuti vapedzise gadziriro dzekurima minda yavo.

“Kune varimi vaya vasati vava nemadiridziro, chimbomirai kudyara asi kuti chimbotangai mapedza kugadzirira minda yenyu muchichera makomba ePfumvudza uye kuisa  mupfudze wemurakwani kuti zvirimwa zvisazokurumidza kurasikirwa nemwando. Mwaka wekunaya kwemvura unotanga kuverengwa kana yanaya nehuwandu hunodzika kusvika 20mm kana kudarika mumazuva matatu uye kana kusina kumboita mukana wekupisa mumazuva gumi anenge ari kutevera,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti vanotarisira zvekare kuti mamiriro ekunze achange akagadzikana kuitira kuti varimi vegorosi vakwanise kurikohwa pasina zvibingaidzo.

“Tinokurudzira varimi kuti vazokohwa gorosi ravo kana richinge raderera mwando mariri kuitira kuti rinokwanisa kuchengetedzeka pasina kurasikirwa,” vanodaro.

Kune dzimwe nzvimbo munyika dzakawana mvura yemudenga yakawanda asi dzimwe dzakawana shoma pakati pesvondo rino.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU), Dr Shadreck Makombe, vanoti zvakakosha kuti varimi vane madiridziro vachitangisa kudyara asi vachiita pashoma nepashoma sezvo pachine mikana yekuti mamiriro ekunze anogona kusanduka pane ipi zvayo nguva.

“Kudyara pashoma-pashoma kunobatsira kuti murimi asiyanise mbesa dzake kuitira kuti kana kukazopisa haazorasikirwi zvakanyanya. Tinokurudzira varimi kuti vashande vakati kwati-kwati nemadhumeni avo varambe vachiwaniswa yambiro yekurima kwakanaka. Tinofara zvikuru nekunaya kuri kuita mvura unova mucherechedzo wekuti, hongu, nzara inogona kuveko asi isina kunyanya kukura sezvinomboitika mimwe mwaka yenzara tichitarisa kuti nyanzvi dzezvemamiriro ekunze dzinotaura kuti nyika ichaita dambudziko rekushomekerwa nemvura, El Nino,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Farmers Union (ZNFU), Mai Monica Chinamasa, vanoti mvura iri kunaya iyi ichabatsira zvekare mukusimudzirwa kwemafuro.

Mai Monica Chinamasa

“Kunaya kuri kuita mvura kuchatonhodza pasi apo pange papisa zvikuru zvichaona huswa hwemafuro ezvipfuyo huchisikumira uye zvipfuyo zvichawana zvekare mvura yekunwa kureva kuti zvinenge zvisingachafambi nzendo ndefu kunotsvaka mvura kunzizi nemadhamu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>