Mvura yawedzera mumadhamu

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Mvura yawedzera mumadhamu VaTsungirai Shoriwa

Kwayedza

Kudzaishe Chinyandura
HUWANDU hwemvura hwawedzera mumadhamu ari kumativi mana enyika nechikamu che0.49 percent nekuda kwemvura iri kunaya uye izvi zvichabatsira zvikuru mukusimudzira kurima pamwe nekuti veruzhinji vawane mvura yekushandisa mumamwe mabasa. Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze rinoti mvura icharamba ichinaya kumativi mana enyika kusanganisira matunhu anoti Matabeleland South, Midlands, Manicaland neMasvingo.

Kumwe kwacho kunotarisirwa kunaya mvura ine dutu nemheremhere, naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekuchengetedza upenyu nezvimwe zvinhu zvavo.

Huwandu hwemvura mumadhamu hwange huchidzikira zvikuru kubva muna Zvita gore rapera uye sangano reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) rinoti izvi zvaikonzerwa nekuda kwekupisa kwekunze zvakanyanya munyika yose.

Muchinyorwa, mukushi wemashoko kuZinwa, VaTsungirirai Shoriwa vanoti pave nekuwedzera kwemvura yemumadhamu kunzvimbo dzakasiyana dzenyika kuenda pachikamu che67 percent zvichireva kuti huwandu uhu hwawedzera ne0,49 percent kubva svondo rapera.

“Manyame Catchment ndiyo ine mvura ine huwandu huri pamusoro kudarika mamwe madhamu nechikamu che86,7 percent ichiteverwa neMazowe Catchment iyo ine 83,6 percent, Sanyati Catchment 70,9 percent, Save Catchment 65,9 percent, Mzingwane 68,7 percent, Runde Catchment 59,4 percent neGwayi Catchment 58,7,” vanodaro.

VaShoriwa vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mvura yose zvakanaka pamwe nekuita zvirongwa zvekukohwa mvura kuitira kuti vabatsirikane.

Vanoti mvura iri mumadhamu yakaringana pakushandiswa mumabasa akasiyana ekurima neepamba.

“Pane dzimwe nguva apo mvura yacho inenge isina kuringana nekudaro Zinwa icharamba ichiongorora mamiriro ezvinhu aya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Avo vanoda kushandisa yakawanda vanogona kuenda kumahofisi eZinwa ari kunzvimbo dzavanogara vosaina magwaro echibvumirano anovatendera kuti vange vachiwana mvura iyi kubva kumadhamu ari pasi peZinwa sezvinodiwa nemutemo,” vanodaro VaShoriwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>