Mwana (11) akaponda mwana (5)

16 Oct, 2019 - 15:10 0 Views
Mwana (11) akaponda mwana (5) Assistant Commisioner Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMutorashanga, kuMashonaland West, ari kuferefeta nyaya inosuwisa yemwana wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa uyo anonzi akatema mumwe wake wemakore mashanu nedemo akafa mushure mekunge vakakavadzana pamusoro pemichero iyo vaida kudya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yakaitika kuMutorashanga svondo rapera apo vana vaviri vanoti mukuru wemakore gumi nerimwe chete nemudiki wemakore mashanu vanonzi vaitamba ndokuzotanga kukakavadzana nekuda kwemichero iyo vaida kudya. Mwana mukuru anonzi akazotora demo ndokutema mudiki katatu zvakaipisisa munzvimbo dzakasiyana, mwana uya ndokuzofa musi uyu nekuda kwemaronda,” vanodaro Ast Comm Nyathi.

“Ikurudziro yedu semapurisa, kuti vabereki vasapote vachiratidza vana vavo tsika yekurwisana kana kushatirisana.”

Ast Comm Nyathi vanoti vabereki zvakare havafanire kuratidza vana mafirimu anenge aine mhirizhonga sezvo vamwe vanogona kuzoda kutevedzera zvavanenge vachiona mumafirimu aya.

“Vabereki kana vana vachitamba ngationei kuti havana here zvombo zvinokuvadza padyo navo uyewo tovadzidzisa hunhu hwakanaka hune runyararo mukati,” vanodaro.

Pakuenda kunodhindwa kwebepanhau rino, mutumbi wemwana uyu wakanga usati waradzikwa uchimirira kuongororwa nemachiremba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>