Mwana (40) anokidzitsa amai vake

13 Jul, 2023 - 14:07 0 Views
Mwana (40) anokidzitsa amai vake Dare

Kwayedza

Philipa Chinhoi-Mukome

MUDZIMAI wemuHarare apotera kudare reHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu nekugara achirohwa nemwakomana wake.

Peggy Chimhini anoti Russel Chimhini (40), uyo anove mwana wake wechipiri, ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Akandirova mushure mekunge tatadza kuwirirana. Ndiri kukumbira dare rindipewo gwaro redziviriro uye asasvika pamba pangu nekuti anondirova,” anodaro Peggy.

Russel haana kupikisa zvose zvataurwa naamai vake.

Mutongi Nyasha Marufu vapa Peggy gwaro redziviriro ndokuti Russel haafanirwe kusvika pamba paamai vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>