Mwana akafira mu’sink’

18 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
Mwana akafira mu’sink’ Inspector Tendai Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA wemakore mashanu ekuberekwa anonzi akatsitsirirwa ndokufa nemudhuri wesink waive wadhirika papurazi reRedan apo panonyanya kuzivikanwa nekunzi Kefalos mumugwagwa weHarare-Marirangwe-Mhondoro, kuBeatrice.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza vanotsinhira nezvetsaona iyi.

Vanoti Mercy Machona akafa mushure mekutsitsirwa nemudhuri wesink apo aitamba nevamwe.

“Mwana uyu aitamba nemukoma wake musikana wemakore masere uyewo neshamwari yavo musikana wemakore gumi pachivanze chepamba pavo mukomboni yepapurazi apa. Mercy Machona aiva akagara mukati mesink vamwe vake vachitamba vari pedyo. Mudhuri wesink iyi wakazongoerekana wadhirika ndokudzvanyirira mwana uyu pachipfuva.

“Fison Gadhi (39) wepapurazi iri akaona tsaona iyi ichiitika asi hapana zvaakakwanisa kubatsira nazvo sezvo mwana uyu akabva angofa,” vanodaro Insp Mwanza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeZRP Gilstone Police Base.

“Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza General Hospital kuti unoongororwa apo kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi. Tine hurombo zvikuru kuti takarasikirwa neupenyu hwemwana mutsaona iyi,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti pane fungidziro yekuti mudhuri wesink iyi wakadhirika nekuda kwekunaya kuri kuita mvura yakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>