Mwana akazvambaradzwa naticha

30 Mar, 2021 - 17:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA wechikoro ane makore 12 ekuberekwa anodzidza paFungisai Government Primary School, kuChitungwiza, ari kunzi akazvambaradzwa nemurairidzi wake kumagadziko achishandisa “fan belt” izvo zvakaita kuti akuvare zvekusara asisakwanise kugara zvakanaka.

Nyaya iyi yatove kumapurisa.

Onismus Chitebwe anonzi akarohwa nemurairidzi akangozivikanwa saSibanda achipomerwa mhosva yekutaura mukirasi nekusadarika mutsetse pakunyora rondedzero mubhuku.

Kwayedza yakataura naamai vemwana uyu apo vakange vatovhurisa dhoketi pakamba yeZRP Makoni Police Station, kuChitungwiza kwekare.

“Ticha vakandirova tiri mukirasi nemumwe mwana wechikoro vachishandisa fan belt. Pazuva rekutanga waive musi weChitatu chadarika apo vakandirova ka56 vamwe vana vechikoro vachiverenga huwandu hweshamhu dzacho kuchizoti zuva rakatevera vakandirova shamhu 5.

“Vaiti ndainge ndisina kucharika mutsetse pakunyora rondedzero, kuchizoti pamwe pacho vakati ndaitaura panguva iyo ivo vakanga vachidzidzisa mukirasi,” anodaro mwana uyu.

Amai vake, Mai Monalisa Chitebwe (41) vanoti murairidzi uyu avarwadzisa zvikuru.

“Takazonzwa zvekurohwa kwemwana mushure memazuva maviri nekuti aisataura sezvo aive atyisidzirwa. Mushure mekunzwa kuti mwana wangu arohwa zvekuti kana kugara akanga ongogara nerutivi rwumwe chete, ndakaenda kunoona mukuru wechikoro uyo akazodaidza murairidzi. Mukuru wechikoro akakumbira ruregerero asi nekuona hudzamu hwekurohwa kwemwana, handina kufara nazvo ndikati ndoda kuenda nemwana kuchipatara kunova kwaidiwa magwaro anobva kumapurisa,” vanodaro.

Mai Chitebwe vanoti mwana wavo akazvimba uye haasi kukwanisa kugara.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya iyi.

“Hongu, tine nyaya yakadaro yemwana akarohwa nemurairidzi saka iri kuferefetwa nemapurisa,” vanodaro.

Kwayedza ine mifananidzo yemagadziko emwana wekuzvambaradzwa uyu ayo aisingakwanise kuburitsa.

Pasi pebumbiro remutemo weZimbabwe, vana havatenderwe kurohwa sezvo iri mhosva inoendesa munhu kujeri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>