‘Mwana anoda kundipisira mumba’

20 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
‘Mwana anoda kundipisira mumba’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ari kutyira upenyu hwake nekuti mwanakomana wake anogara achimuvhundutsira kuti anoda kumupisira mumba uye anomubatira demo nezvimwe zvombo zvinokuvadza achida kumurwisa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Musafare Dzvairo akamhan’arira Tendai Dzvairo achida gwaro redziviriro.

“Mwedzi wapera ndakamupa bhatiri remotokari yangu kuti agoshandisa ozodzosa hake pandinenge ndorida. Ndakazomuti achidzosa bhatiri riye, ndipo akatanga kundituka ndokundiudza kuti aida kundipisira mumba uye aizobaya mudzimai wangu nescrew driver. Amai vake vakashaya ndokubva ndoroora mumwe mudzimai,” anodaro Musafare.

“Handichadi kuti agare pamba pangu uye ngaarege kutonga vana vangu nekuti ndichiri mupenyu,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tendai anoti zvose zvataurwa nababa vake ndezvekunyepa.

“Ndakazongoonawo mapurisa auya pamba ndokundiisa cheni mumaoko ndikarohwa vachiti handisi kuremekedza baba. Ndakazodzoswa kumba ndikakumbira ruregerero pamberi pevanin’ina vavo asi mhosva yacho ndakashaya kuti ndeyei,” anodaro Tendai.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Musafare gwaro redziviriro ndokuudza Tendai kuti panosvika musi wa30 Kurume anofanira kunge abva pamba apa onozvigarira kwake sezvo ave murume mukuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>