Mwedzi miviri vachangoroorana . . . ‘Mukadzi akanyikwa musoro mutub izere mvura’

06 Mar, 2024 - 11:03 0 Views
Mwedzi miviri vachangoroorana . . .  ‘Mukadzi akanyikwa musoro mutub izere mvura’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI anogara kuBelvedere, muHarare, anoti haachada murume wake kwangopera mwedzi miviri varoorana nekuti akapotsa afa apo akamupfumbira netauro ndokumuisa musoro mu’tub’ izere mvura zvikaita kuti atadze kufema.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Tracy Mukamba akamhan’arira Tinashe Makoni achida gwaro redziviriro.

“Murume uyu anogara achiti anoda kundiuraya. Tisati tapedza mwedzi miviri taroorana ndange ndave kutorohwa. Mumwe musi akandivhara kumeso ndokundidira mvura ndiri mu’tub’ kusvika ndave kupera mweya wekufema. Ndakatozomanya kumapurisa kunomhan’ara,” anodaro Mukamba.

“Anongoti pose paafungira, anondizadza mbama. Handina rugare nekuti ari kundishungurudza nemaitiro akadai uye zvave kutondivhiringa mupfungwa. Ndinokumbirawo asasvike pedyo neni, kungave kumba kana kubasa nekuti ndave kutyira upenyu hwangu.”

Achipavo divi rake, Makoni anoti haana dambudziko kana Mukamba akapihwa gwaro redziviriro.

“Handina zvizhinji zvekutaura, mupei zvenyu gwaro nekuti mumba macho ndakatobuda, handichagari naye,” anodaro Makoni.

Share This:

Sponsored Links