Ndakaberekwa ndakadaro

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA

MUBVUNZO:

Sekuru, ndiri munhu ane makore 20 ekuzvarwa, handisati ndaroorwa kana kuroora. Chido chekuroorwa kana kuroora ndave nacho. Dambudziko rangu sekuru nderekuti ndine sikarudzi mbiri, yechikadzi neyechirume. Handisati ndambodanana nekomana kana musikana pamusaka pezvandiri. Amai vangu vakafa vachangobva kundibereka saka hapana akazondigadzisisa. Ndoitawo sei?

MHINDURO:

Muzukuru wangu, nevamwe vangadaro vaine dambudziko rakafanana nerako, ndinoti iri idambudziko risinganyenye kusanganikwa naro. Rako dambudziko rabva rawedzerwa nekufirwa naamai uchiri mucheche. Dambudziko resikarudzi mbiri rinonetsa nekushungurudza kumunhu anaro nekuti haazive kuti munhukadzi here kana kuti munhurume. Saka munhu anaro haakwanise kuziva kuti kwake chaiko ndekupi. Izvi hazvirapike kuchivanhu muzukuru asi kutoti zvinoda machiremba vekuchipatara. Manachiremba ava ndivo vanoongorora kuti wakanyanya kurerekera kumunhu hwai.

Ndipo panozotenderanwa kuti wosiiwa uine sikarudzi ipi, imwe yacho yovharwe. Izvi zvinoda kushingiswa kwenjere (counselling) kuti munhu atendere nekutambira mamiriro ake.

Asi dai amai vasina kufa, zvingadai zvakaitwa uchiri mudiki. Izvi zvaiita kuti waikura wazvitambira kare.

Saka iwe muzukuru wochitoenda kuchipatara kuti unoonekwa nachiramba avo vachakubatsira kuti usarudze zvaungada kumiri wakaita, mukadzi kana murume. Iwe chigamuchira zvaunenge waudzwa nachiremba kuti dambudziko rako ripere.

Usatevedze zvekuti vanhu vachati kudii nekuti chauri kuda iwe kupona bedzi. Ndinokushuwira rombo rakanaka.

 

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>