Ndakaitwa gara ndichauya!

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NDINOTI makasimba here Tete Chipangamazano? Ini ndiri musikana ane makore 19 ekuberekwa. Dambudziko rangu rakamira rakadai: Ndine mukomana wandakadanana naye, ndikarara naye ndokubata pamuviri.  Pandakamuudza akafara akati mira ndigadzire mari yekukuroora asi zvino nhumbu yangu yava nemwedzi mitatu. Ndakazoshama ndichinzwa kuti mukomana uyu akachata nemumwe musikana mavhiki apfuura.
Pandakazvinzwa ndakarwadzirwa chaizvo ndikaenda kubasa kwake ndikamuwana akatonditambira zvakanaka chaizvo.
Ndakamubvunza kuti nhumbu zvairi kukura ndiri kumba kwedu uchauya kuzoroora rinhi? Akandikumbira ruregerero achiti akatizirwa nemumwe musikana atori kumba kwake, ndikabva ndangodonha pasi neshungu.
Iye ari kungotaura shoko rekuti ndiri kuuya kuzoroora. Tete ndipeiwo zano ndoita sei?
Shorai Kamanura.
Kadoma.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru rinorwadza.
Ndokusaka zvichikurudzirwa kuti musamhanyirire kurara nevakomana vasati vakubvisirai pfuma nekuti mhedzisiro yacho inorwadza uye isina ramangwana rakajeka.
Zano randingakupa nderokuti chienda kumba kwemukomana wako uyu wosvikoti ndauyawo nepamuviri pake.
Kana achinge apikisa, enda kumadzitare edzimhosva unomhan’ara nyaya iyi kuitira kuti uzobatsirika pakuzochengeta mwana uyu.
Aitokushandisa achichengetedza wake musikana waaida kuzochata naye.
Vasikana nevakomana zivai kuti kurara mose musati maroorana handiko kuratidzana rudo pakati penyu. Rudo rwunonakidza mumba uchiziva kuti ndakatora musikana wangu ari mhandara kana kuti akazvibata.
Zvichengetedzei muchiziva kuti mandikurumidze anozvara mandinonoke.
Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>