Ndakapotsa ndafa: Muimbi Tasara

10 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Ndakapotsa ndafa: Muimbi Tasara Tichaona Tasara

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero – Tichaona Tasara – ari kupembera kusvitsa makore maviri ari mufundisi nekubura dambarefu rake idzva mumasvondo anotevera.

Tasara, uyo anotungamira chikwata chePowers of Angels, akavhura kereke yake makore maviri adarika uye gore rino achange achipembera kusvitsa kwechechi iyi makore maviri.

Muimbi uyu anoti muupenyu hwake akawanirwa nyasha naMwari sezvo akapona mutsaona nhatu mumakore maviri, imwe yacho ikauraya vanhu vakawanda.

Tasara anoti kudai pasina kubata kwaMwari, angadai akaparara kare mutsaona dzaakapona nekudaro anopa mbiri yose kuMusiki.

Tichaona Tasara

“Ini Mwari vakandiwanira nyasha muupenyu hwangu saka ndinogara ndichingomutenda nguva nenguva nekuti ndingadai ndakaparara kare.

“Mwari vakandichengeta, nhasi ndiri pano. Kuti ndipinde mumimhanzi, inzira yekumutenda uye kuvhura kereke yanguwo kumutenda zvakare kuburikidza nekumunatama nguva dzose.

“Ndinonzwa mufaro mukuru nekuti Mwari vari kundishandisa kuita basa ravo,” anodaro Tasara.

Kubva zvaatanga zvemimhanzi, Tasara akwanisa kuburitsa madambarefu mashanu uye mumasvondo anotevera apo achange achiita mhemberero dzekereke yake achaburitsa rechitanhatu rinonzi Denga Tinyaradze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>