
Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi
MUDZIMAI wemuHarare anoti aneta kuchengeta mwana wavo oga nekudaro anoda kuti baba vake vabvise US$245 pamwedzi sezvo vasina kumbobvira vamubatsira pakumuriritira.
Priscilla Shupikayi Chumbu achema-chema mudare reHarare Civil Court achiti Tinashe Kutanha anofanirwa kumupa US$245 yekuchengeta mwana wavo.
Achipawo divi rake, Kutanha anoti haakwanise kubvisa mari iyi sezvo achitambira mari yemuno inosvika $129 000 pamwedzi.
“Mari yaari kutaura ini handiikwanisi nekuti handitambiri mari yekunze, ndine mudzimai nevana vaviri uye ndinochengeta vana vemukoma wangu akashaika saka ndinokwanisa kumupa $50 000,” anodaro Kutanha.
Chumbu arambisisa mari iyi achiti Kutanha haana kumbomubatsira kuchengeta mwana wavo.
“Baba ava havana kubvira vakambondibatsirawo kuchengeta mwana, mari yavari kutaura ishomanana haina zvainondibatsira. Iko zvino handisi kuenda kubasa saka ndakaomerwa kutaura kuno,” anodaro Chumbu
Mutongi Ayanda Dhlamini vati Kutanha abvise $60 000 pamwedzi nekubhadhara mari kuchikoro kwemwana temu yoga-yoga.