‘Ndinoda kudzoka kumba kune murume’

07 Apr, 2023 - 06:04 0 Views
‘Ndinoda kudzoka kumba kune murume’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti anoda kudzokera kunogara pamba paakadzingwa nemurume wake uyo anomushungurudza zvakanyanya nekuti vakavaka imba iyi vose.

“Murume wangu akandidzinga pamba mushure mukunge tatadza kuwirirana ndikasiya vana. Ndakazotora vana ndikaenda navo nekuti babamukuru vakange varova mumwe mwana wedu ane hurema ndokusaka ndakatora vana iye asipo. Ndiri kugarawo kumwe asi ndinoda kudzoka pamba nekuti ndepedu tose uye handidi kushungurudzwa sezvaari kuita izvi, kutobva pamba inyaya iyoyi yekurohwa,” anodaro Gwizi mudare reHarare Civil Court.

Marimuzhi anoramba zvose zviri kutaurwa nemudzimai wake achiti ane tsika yekungobva pamba achienda kwaanoda.

“Akauya akatora vana ndisingazive akavaendesa kusina kana zvikoro zviri pedyo uye akanondimhan’arira mendenenzi achiti ndichengete vana nekuti hatisisiri tose. Saka ndiri kushamisika kuti anoda kudzoka kumba kupi iye akabva oga, handina kana musi wandakambomurova, mubvunzei,” anodaro Marimuzhi.

“Hama dzangu dzakasvika pakuti takura midziyo yake uendese kwaari kugara nekuti mangwana zvinozonetsa uye ndakaita saizvo ndikanosiya.

“Akabva oga pamba, haana kana kumbodzingwa. Ane tsika yekungonyangarika ndotoshaya kuti munhu aenda kupi.”

Mutongi Tamara Chibindi vakati vaviri ava vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera kuzopihwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>