‘Ndinodanana nemurume wake’

14 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
‘Ndinodanana nemurume wake’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa pfumvu nemumwe mukadzi anouya achimutukirira zvinyadzi pamba pake nekuda kwekuti anodanana nemurume wake.

Progress Takaiteyi akamhan’arira Nelia Nedziva kudare reHarare Civil Court achiti anouya pamba pake achimutuka nemashoko asingaite pamberi pevana.

“Nelia handina kana hukama naye asi kuti ndinodanana nemurume wake. Ane tsika yekuuya pamba pangu achiita ruzha nekundituka zvinyadzi pamberi pevana zvinove zvisingape chidzidzo chakanaka kuvana vangu,” anodaro Takaiteyi.

“Ndaikumbirawo mambo wangu, asasvike pamba pandinogara kuzondishungurudza nekuti kumba kwake handisati ndambokusvika,” anodaro.

Nelia haana kuenda kudare.

Mutongi Sharon Mashavira akapa Takaiteyi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links