‘Ndinodawo nguva nemurume wangu’

03 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
HONDO yekurwira murume pakati panyachide navahosi yakazoperera kudare vahosi vachiti vari kushaiswa nguva yekusanana na“daddy” nekuda kwemukadzi mudiki uyo ave kugara akaita “chimamira” pavari. Tendai Jikisi akamhan’arira vahosi vake Dorika Chikwama kuHarare Civil Court achiti vanomurova, kumutuka nekumunyadzisa pane vanhu.

“Changamire, ini namai ava tiri pabarika, ndivo mukadzi wekutanga. Asi mai ava vanouya kumba kwangu vachindirova vachiti ndinotora nguva yose nemurume uye ndinomutadzisa kushanda. Tinoshanda pabasa pamwe chete nemurume uye, ndiye anouya oga kumba kwangu ndisina kana kumbomudaidza,” anodaro.

Jikisi anoenderera mberi: “Ndakatombomhan’ara kumapurisa kaviri uye akambondityisidzira kundipisira mumba nepeturu. Handichina mufaro, ndava kutya kutorara mumba saka ndinokumbirawo gwaro rerunyararo.”
Chikwama anopokana nechikumbiro chaJikisi.

“Pamusoroi vedare, mainini vangu havana kana mwana ndokusaka vasingandinzwisise. Vane humbimbindoga pamurume, vanomutora kubasa voenda naye kumba kwavo izvo zvave kumutadzisa kushanda kuti ariritire mhuri yake nekuti anenge ainavo. Chimwezve ndechekuti murume haachina nguvawo neni,” anodaro. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Jikisi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>