‘Ndinowacha, kutsvaira mudzimai akati pweshe’

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Ndinowacha, kutsvaira mudzimai akati pweshe’ court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achida kuti abvise mari yekuchengeta mhuri akachema-chema achiti mukadzi uyu ane nungo zvikuru zvekuti iye ndiye anotoita basa rose repamba kubvira pakutsvaira mumba kusvika pakuwacha hembe dzevana.

Tadius Chihwai akataura mashoko aya mushure mekunge adhonzerwa kudare reHarare Civil Court nemukadzi wake, Cecelia Mazvivanhanga uyo ari kuda $200 pamwedzi yekuchengeta vana vavo. Mazvivanhanga anoti ari kutambura nekuriritira vana oga Chihwai achipedzera mari kushamwarikadzi.

“Ndinoda kuti baba ava vandipe $200 pamwedzi yekuchengeta vana, nyangwe zvazvo tichigara tese asi ndaona zvakakodzera kuti vandipe mari iyoyo nekuti ivo havasi kukwanisa kuvachengeta. Ini ndinotengesa-tengesa asi mari yangu $20 yandinowana pamwedzi haikwane,” anodaro Mazvivanhanga. Anoenderera mberi achiti Chihwai ndimakanika wemota uye anowana $600 pamwedzi asi anongobhadharira vana $10 pa$60 inodiwa kuchikoro kwavo obva ati zvakwana. “Havabhadharire vana chikoro asi vanowana $600 pamwedzi kubva kubasa ravo rekugadzira mota.

‘‘Vana vari kuenda kuchikoro vaviri chete asi haakwanise kuvapinza chikoro, ini ndaneta nazvo.”

Chihwai anopikisana nemudzimai wake achiti mari yaari kuda yakawandisa uye mazuva ano ari kuwana $80 pamwedzi nekugadzira motokari sezvo kusina basa rakawanda.

“Zviri kutaurwa naamai ava kunyepa, mazuva ano basa rakadzikira zvekuti pamwedzi ndiri kuwana $80 chete. Vana ndini ndinovabhadharira chikoro saka ndiri kushamisika vauya kuno, chikafu ndinotenga asi mari yekuvapa handina. Ndinokwanisa kungoramba ndichibhadhara mari yechikoro chete” anodaro Chihwai

Anoti mukadzi wake ane nungo uye haana kana basa raanoita kumba kwavo asi kuti iye ndiye anotoshanda semusikana webasa pamba.

“Amai ava vane nungo, ini ndini ndinotoita semusikana webasa kumba. Ndinowacha, kusuka, kutsvaira uye kubikira vana ivo vakagara havo,” anodaro Chihwai.Mazvivanhanga akabva amugamha achiti zvose zvaaitaura manyepo.

“Baba ava vanonyepa, ndinongoda kuti vabhadhare mari yevana yekuchikoro sezvo vachingonyimwa mareport panopera temu yoga-yoga. Vane masitendi akawanda zvakare, imwe yacho vanotogarako neshamwarikadzi yavo saka zvinondirwadza izvozvo vana vangu vasingaende kuchikoro,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akati Chihwai abhadhare $80 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>