Ngatiitei zvinodiwa: Charamba

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Ngatiitei zvinodiwa: Charamba Pastor Charles Charamba

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wechitendero ane mukurumbira Pastor Charles Charamba vokurudzira vaimbi vemisambo yakasiyana kuti vasamirire kurarama kuburikidza nemashoo chete asi kuti vaite mamwe mabhindauko anovapa raramo panguva yakaita seino apo vanhu vari kunzi vasaungane nekuda kwechiwere checoronavirus.

Muhurukuro neKwayedza, Pastor Charamba vanoti coronavirus yaunza matambudziko mazhinji kuvanhu uye sevaimbi basa ravo rakanganiswa nekudzoserwa kumashure zvikuru.

Vanoti vaimbi hafanirwi kugarira mawoko asi kumhanya-mhanya vachiita mabhindauko akasiyana anovapa mari kunze kwekungomirira kuita zvekuimba chete.

“Tine mashoo mazhinji atange takaronga muno uye nekunyika dzekunze kusanganisira kuSouth Africa. Asi, zvese izvi tambozvimisa nekuti hatizive kuti zviri kufamba sei necoronavirus iyi iri kuparadza vanhu. Tinongoramba tichinamata kuti chirwere ichi chipere.

“Isu sevaimbi pane nenzira dzakasiyana dzekuti tinge tichitengesa nadzo mhanzi yedu isvike kuvanhu.

“Asi vaimbi ngatitsvage mamwe mabhindauko atinoita anounza mari panguva yakadai seino tigokwanisa kuchengeta mhuri dzedu. Mabhindauko aya anosanganisira kuchengeta huku, kutengesa kana mafreezits chaiwo sezvo unokwanisa kuwana tumari twekukuchengeta panguva ino zvinhu zvakaoma kudai,” vanodaro Pastor Charamba.

Maneja waAlick Macheso, Tich Makamadze uyo akataura akamirira muimbi uyu – anoti sechikwata vakatokanzura mashoo mazhinji nekuda kwecoronavirus.

Anoti vane mabhindauko akawanda avagara vachiita anobatsira muraramo yavo zvikuru.

“Isu tagara tinotokurudzira nhengo dzechikwata chedu kuti ngavagare vachiita mabhindauko akasiyana anovapa mari kwete kungomirira mashoo chete. Iye zvino nemamiriro aita nyika mabhindauko aya ndiwo achange ave kutichengeta panguva ino zvinhu zvadai kuoma.

“Asi sechikwata tichange tichisangana padiki tichimboita gadziriro dzedu tichimirira panguva iyo zvinozonzi ngatichitange kuridza mashoo chirwere ichi chapera,” anodaro Makamadze.

Muimbi wemusambo weHip-hop Langton ‘Lankie’ Masanga anoti ino ndiyo nguva yekuti vaimbi vabatane mukubatsira vanhu vanotambudzika.

“Sevaimbi ndiyo nguva yatinofanirwa kutaura neizwi rimwechete tichibatsira vanotambudzika, coronavirus iyi yauya kuipa. Ngationekwe tichibatana kubatsira kurwisa chirwere ichi,” anodaro.

“Isu sevamwe vaimbi vari kusimukira hatizive kuti tichararama sei mashoo edu ambomiswa, asi tinoziva kuti Mwari vanesu uye vacharamba vachititungamira pane zvese kuti tigokunda chirwere ichi,” anodaro Lankie.

Share This:

Sponsored Links