‘Ngatishandisei dandemutande’

27 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
‘Ngatishandisei  dandemutande’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI ane mukurumbira wemusambo wechitendero – Precious Kahwema-Kabanda – uyo anonyanyozivikanwa nezita rekuti Precious K uye zvekare ari mutevedzeri wemukuru wesangano reZimbabwe Female Gospel Artistes Association (ZFGAA) – anoti kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 kwavavhura pfungwa kuti vatange kushandisa nzira dzechizvinozvino mukushambadza mimhanzi yavo.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kudzikisira mabasa edu sevaimbi nekuti hatichakwanisa kuunganidza chaunga chinova chinotsigira nziyo dzedu nekudaro tava kutoponera pamasaisai akadai seYouTube, Facebook neWhatsApp kuti zvifambe,” anodaro.

Precious K achangobva kuparura dambarefu rake rechina rine nziyo 14 rinonzi Zvivimbiso Zvenyu.

“Nokuda kwechirwere cheCovid-19, ndakapedzisira ndaparura dambarefu rangu pamasaisai nekuti zvekuunganidza vanhu hazvichakodzeri. Vamwe vaimbi vakatomira kutsikisa asi ndinoti ngatisamire pabasa redu uye tirwe semvumba tichishandisa masaisai eindaneti kuti vatereri vedu vasarasikirwe,” anodaro.

Precious K anoenderera mberi achiti, “Ngatisatyire kure panhau yekushandisa masaisai nekuti ndiyo nzira yatovapo uye tikaramba tichiashandisa tichatoona tichijairira zvichiendeka.

“Kana kutengesa nziyo dzedu pamadhisiki kwava kunetsa nekuti vakawanda havachadi midziyo yekubata nemaoko nekuti ndizvo zvimwe zviri kukonzera kupararira kweCovid-19.”

Anoti dambarefu rake idzva rinopa tariro muupenyu.

“Padambarefu rangu idzva Zvivimbiso Zvenyu, ndinotaura pamusoro pezvinhu zvatinokumbira kunaMwari nguva nenguva kuti tirambe tiine tariro nekuti Mwari vedu havanyadzisi, kana tikanamata tichirevesa vanotipa zvatinokumbira kwavari.

“Padambarefu iri, ndakaimbawo naamai vangu – Senior Pastor Pheobe Kahwema – nemwanasikana wangu, Angie Shamie,” anodaro.

Precious K akambotsikisa dzimwe nziyo nevaimbi vanosanganisira Pastor Haisa, Daniel Taderera, mushakabvu Pastor Tamuka Chinouririri naPastor Elias Musakwa.

Mamwe madambarefu ake anoti Tofara (2013) naNdinoraramiswa Nenyasha (2017) uye akatsikisawo kambo kanonzi Ngoni Dzake.

Muimbi uyu ane madhigiriri anosanganisira Masters in Business Administration (MBA) uye pari zvino ari kuita zvidzidzo zvePhD in Business Administration neUniversity of Malaysia.

Share This:

Sponsored Links