Ngoma ngadzikakwe

03 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Ngoma ngadzikakwe VaClever Nyamutawatawa vachiratidza dzimwe dzengoma dzavanoveza nekukaka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVA makarekare, ngoma dzinoshandiswa muzvinhu zvakasiyana pachivanhu uyewo nhasi uno dzave kuridzwa kunyangwe mumachechi.

Mhando dzengoma dzinoridzwa zvichisiyana nechiitiko chacho sekuti parufu here, pabira kana mumwewo mutambo.

Kare, ngoma dzaishandiswa senzira yekufambisa mashoko kubva panzvimbo kuenda kumwe uye maririro engoma aitozivikanwa kuti iyi ndeyekuzivisa kuti kune rufu kana kuti ndeyekukoka vanhu kuti kwaita doro rejakwara.

Kwayedza inota hurukuro naVaClever Nyamutawatawa (40) vanogara kuUnit B kwaMakoni, kuChitungwiza uye kumusha vachibva kwaMutoko, avo vanoita basa rekuveza nekukaka ngoma.

Vanoti ngoma dzinosiyana mhando dzadzo.

“Kare kune ngoma huru dzainzi mitumba dzaishandiswa kufambisa mashoko, vanhu vakanzwa yarira kwamambo vaiziva kuti munhu wese anodiwa.

“Kune dzimwe dzairidzwa kuziviswa rufu chete. Saka kusvika nanhasi uno tine mhando dzengoma dzakasiyana,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Vanoti kune vamwe vanhu vanoda ngoma dzinoiswa matehwe mativi ose zvakaita sedzechechi yemaZion.

“Tine mhando dzengoma dzakasiyana munyika yedu zvichifambirana nemarudzi evanhu, vamwe vanoti ngoma dzinoswededza vanhu padyo nemidzimu yavo nemashavi, midzimu ichitosvika,” vanodaro.

Ngoma

Zvisinei, vanoti dambudziko ravakatarisana naro nderekushomeka kwemiti yekuvezesa ngoma.

“Kune vanhu vanouya nehuni kwaChikwanha ndiko kwandinombowana miti ine mhango. Ndinoendawo kumasango ari kure kunotsvaga miti yekuveza ngoma. Miti inosiyana maririro ayo pangoma.”

“Kuveza ngoma ibasa rinoda kufunga sezvinongoitwawo mamwe mabasa. Chekutanga, unotsvaga miti ine mhango kana mimwe yekuzoboora woga. Miti yacho haingova yose-yose inoita ngoma dzakanaka sezvo pane miti inokurudzirwa,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Miti inokurudzirwa pakuvezesa ngoma inosanganisira misasa, minhondo, mipani, mibvumira nemitowa.

“Miti yatinosarudza kugadzira ngoma yakasimba uyewo inorira kuye kwatinoti kuita mawungira. Semubvamaropa, kana wakaoma unodavira kuya kunonzi kutinhira, pamwe chete nemumwe watinoti mungongoma.

“Miti tikaiwana iine mhango yakaoma, kunyangwe iri minyoro, tinomboipa mazuva ekugara pamba ichioma nekupera mvura, zvikuru kana muri muzhizha,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Vanoti ngoma idzi vanozodzichizira kubvisa mamwe makwati emiti mukati memhango kusvikira kwasara mwero yavanoda.

“Chinorira pangoma imhango yedehwe rayakakakwa naro. Pakuridza kwatinoita panoita mawungira sezvinoita mupata wegomo. Kune vamwe vanoisa namo pangoma kuti dzirire asi ini ndinongoveza, vamwewo vanoisa zvivharo zvezvinwiwa mukati,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Pamusoro pazvo, vanoti vanoveza ngoma idzi kunze nekukwenenzvera kuti dzisabaye vanhu.

“Ndapedza izvozvo, ndinotsvaga matehwe emombe kwakasiyana kuno kwaSeke, zvikuru kuMayambara. Kana ndawana matehwe aya, ndinoaisa mumvura kwezuva kana mazuva maviri. Ndinobva ndacheka matehwe aya nemwero wemakuriro engoma yandinoda kukaka ndoboora maburi pangoma nedehwe,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Vanoti vanodhonza ngoma iyi zvakasimba nehoko dzavanoshandisa kusvika pavanoda.

“Dzimwe ngoma ndinobvisa mvere pamusoro, dzimwewo handibvise dzinozongopera dzoga nekuridzwa. Vamwe vanozora mafuta pangoma asi ini ndinosiya zvakadaro,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Vanoti kuveza ngoma hakuna chivanhu chinoitwa sezvinotaurwa neruzhinji.

“Kwandiri ngoma ingoma chete, ndinongoveza vanozouya vachitenga vanonoita chivanhu chavo vaenda. Ndinotengesera vemachechi, vanoita zvechivanhu vemapira nekurova makuva, vemitambo yezvigure kana zvinyahwe, vezvematongerwo enyika, vedzimba dzinoitirwa michato nevamwe vakasiyana,” vanodaro VaNyamutawatawa.

Share This:

Sponsored Links