Nyama yegarakuni kunaka!

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views
Nyama yegarakuni kunaka! Nyama yegarikuni inonaka zvikuru kana ikakaringwa zvakanaka.

Kwayedza

NYAMA yegarikuni kana kuti toki ine kudya kunovaka muviri semapuroteni uye pakubiika haidi kuitwa zvekungobvonga-bvonga asi kuti inoda kunyatsokaringwa nemazvo.

Svondo rino Susan Garimoto wekuChiredzi, kuMasvingo, anotsanangudza mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Nyama yegarikuni, mafuta, munyu, matomatisi, hanyanisi kana garlic, poto/chikari nemvura yakachena

Mabikiro:

Tora nyama yegarikuni kwete musoro nekuti kazhinji haudyiwe.

Kana waita rekuuraya woga, fashaidza mvura woriundura manhega ose.

Bvisa matumbu nezvimwe zvemukati.

Cheka nyama muzvidimbu zvakaringana.

Chigeza nyama woigadza pamoto, wozoisa mvura nemunyu wakaringana.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi maviri kusvika mvura yapera.

Isa pani parutivi woisa mafuta wokanga kusvika yatsvukira.

Chekerera hanyanisi ukange wozokanda matomatisi akagiretwa negarlic.

Siya zvishinyire kwemaminitsi gumi uchipindura-pindura.

Wozodii?

Kana zvaibva, chibura udye nemhuri pazororo rino reIndependence nePasika.

Nyama yegarikuni inodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

.Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links