Nyika yorongera kurimwa kwegorosi remuchando

31 Mar, 2022 - 09:03 0 Views
Nyika yorongera kurimwa kwegorosi remuchando VaVangelis Peter Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA chekutsigira varimi vegorosi remuchando nezvekushandisa chePresidential Inputs Scheme chakapindwa nevarimi vakawanda avo vari kutarisira kurima mahekita anodarika 8 000 kana zvichienzaniswa ne5 500 ayo ange achitarisirwa kuti ndiwo acharimwa nenyika mwaka uno.

Bazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa rinoti chinangwa chenyika chemwaka uno kurima gorosi remuchando rinokwanirana nezvinodiwa.

Hurumende ine chishuwo chekusimudzira kurimwa kwegorosi zvichifambirana nechirongwa cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy, Agriculture Recovery Plan neNational Development Strategy 1 uye kuzadzikisa chiono chekuti veruzhinji vave nemasimba munyaya dzeupfumi nekuva nepundutso panosvika gore ra2030.

Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — Cde Vangelis Haritatos —vanotsinhira kuti varimi vakawanda vari kuda kurima gorosi rechando mwaka uno.

Vanoti pari zvino chavari kukoshesa kuwana goho remhando yepamusoro.

Cde Haritatos vanoti vezvitoro zvinotengesa zvekushandisa mukurima vakavimbisa kuti vane zvekushandisa zvakakwana mwaka uno uye mvura iri kunaya zvakanaka zviri kuita kuti yemadiridziro ivepo.

“Tinofunga kuti hatizongosvika patarisiro yedu chete asi kuti tichapfuurawo pachinangwa chedu. CBZ Agro-Yield iri kutarisira goho rinosvika matani 164 250,” vanodaro.

Vanoti makambani akazvimiririra akaita chisungo chekuti acharima mahekita 15 000 kana kudarika mwaka uno.

AFC Land Bank iri kuda kuita kondirakiti yekurima mahekita zviuru gumi pachiburwa goho rematani 45 000 uye makambani akazvimirira achabata mahekita 23 000 egorosi pachitarisirwa kuburwa goho rematani 149 500.

Share This:

Sponsored Links