Obira vabereki zvipunu

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Obira vabereki zvipunu

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MWANAKOMANA ane marambadoro anonzi apedza kutengesa midziyo yemumba yevabereki vake inosanganisira zvipunu, mbatya nechikafu chinenge chiri mufiriji.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Petros Musiwacho akamhan’arira mwanakomana wake Junior Musiwacho achiti kana akangodhakwa chete, anoshaisa mhuri yose mufaro achivatuka nemashoko akadzama.

“Mwana wangu uyu akangodhakwa chete, anondishaudha zvose naamai vake nemashoko anorwadza zvikuru. Ndizvo zvasakisa kuti ndiuye kuzokumbira gwaro rerunyararo nhasi uno,” anodaro.

Petros anoti Junior ane katsika kekutengesa midziyo yemumba nechikafu chinenge chatengwa kuti mhuri idye.

“Apedza kutengesa zvinhu zvose pamba pangu zvinosanganisira mbatya dzangu nedzehanzvadzi yangu, masipunu nechikafu chinenge chiri mufiji. Izvi zvandikandisa mapfumo pasi,” anodaro Petros.

Junior anoti hapana chaanopikisana nacho pane zvose zvainge zvichitaurwa nababa vake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Petros gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>