Ochemera mwana waakamborasa

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Ochemera mwana waakamborasa

Kwayedza

Milcah Nhakura
VANHU vaiva mudare vakakahadzika apo mukadzi wekunzi akasiya mwana wake ane makore matatu okuberekwa ari oga pagedhi repamba paaigara ndokutiza kuenda kuSouth Africa akazoti anoda kugara nemwana uyu.

Ednah Friday akamhan’arira Tatenda Chitsvatsva kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurambidza kuona mwana wake pamwe nekumutuka.

“Baba vemwana wangu vanondirambidza kuona mwana. Ndakaenda kumba kwavo ndichida kumbotorawo mwana akandidzinga achindituka. Haadi kuti ndimboswerawo nemwana kana kugara naye, anofunga kuti ndinomurarisa nenzara asi ndakavhurawo saruni yekuti ndava kukwanisa kuzvimirirawo nekushandira mwana,” anodaro.

Chitsvatsva anoti Friday haana hany’a nemwana uyu.

“Handimurambidze kuona mwana asi mhosva iripo ndeyekuti akasiya mwana uyu pagedhi pasina kana munhu akatiza kuenda kuSouth Africa. Takazomufonera akatituka isu taida kuziva kuti sei aita zvinhu zvakadaro zvekusiya mwana mucheche ari oga pagedhe.

“Ko dai akatsikwa nemotokari, kubiwa kana kurasika? Haana kana kuoneka, zvinova zvinoitwa nemunhu asina kunatsa kukwana. Akazongodzoka ndokutotanga kuti anoda mwana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Handigaite zvaanoda iye zvekuti anondisiira mwana pagedhi, ozodzoka achimuda paadira. Anoda kuti zvinhu zvaanoda zviitike nenguva yaanoda iye zvinova zvisingaite.”

Mutongi Tafadzwa Miti akarasa chikumbiro chaFriday achiti haana kupa umboo huzere hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naChitsvatsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>