Oda kupisira mhuri mumba

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achida kumupisira mumba pamwechete nevana vavo uye ane mweya wekuda kuzviurayawo.

Loice Pomerai akaendesa Makomborero Pomerai kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuchengetedzwa kubva mukurohwa, kuda kupondwa nekutukwa zvinyadzi.

“Murume wangu anenge ane shavi rekuda kuuraya chete nekuti anotivhurira gasi rozara mumba mese, obatidza moto kuti titsvire imomo. Vavakidzani ndivo vanotozopinda basa rekutiburitsa mumba nekudzimura moto,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nerimwe zuva akadira peturo mumba achida kuti tsviremo tikatozopona nekutizira panze.”

Loice anoti Makomborero ane mweya wekuda kuzviurayawo.

“Iye anodawo kuzviuraya nekuti ndakambomuona akazvisungirira ndikatoita basa rekumusunungura tambo yaainge azvisungirira nayo,” anodaro Loice.

Anoti pamusoro peizvi, Makomborero anomutuka zvinyadzi pane vana nekumurova.

“Mamwe mazuva anondituka pamberi pevana pamusoro pezvinhu zvisinei nevana vacho, zvinotondishaisa chimiro ndizvo zvaanotaura. Akaona kuti hasha dzake hadzisati dzapera, anondirova nesimbi,” anodaro Loice.

Makomborero anoti zvose zvataurwa manyepo asi nyaya iripo ndeyekuti iye haachashanda, saka Loice ave kumutsvagira tunyaya tusina basa.

“Zvose zvaataura manyepo, hapana tsamba yekumapurisa kana yekwachiremba yaauya nayo inoratidza kuti ndakamurova. Pamba paari kuti ndinoda kupisa handingadaro nekuti pamba patiri kuroja,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Chingoripo ndechekuti ava kutsvaga tunyaya twekundipomera nekuti handichashanda.”

Mutongi Larzin Ncube akapa Loice gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>