Odzidzisa vechidiki kuridza marimba

08 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
Odzidzisa vechidiki kuridza marimba Lumen Mubaiwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion – Lumen “Samubaiwa” Mubaiwa – akavamba chirongwa chekufamba muzvikoro achidzidzisa vechidiki kuridza marimba nechinangwa chekuti vafarire mhanzi pamwe nekuwana zvekuita izvo zviri kubatsira vakawanda kuti vasatore zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

Mubaiwa, uyo anova nyanzvi yekuridza pamwe nekugadzira marimba, anoti pasi pechirongwa ichi, ari kufamba muzvikoro zvinosanganisira zvekuGlen View muguta reHarare izvo zviri kubatsira kushandura upenyu hwevechidiki.

“Vechidiki tinofanirwa kuvagadzirira remangwana ravo, saka ini ndakatora danho rekufamba muzvikoro umo ndiri kuvadzidzisa kuridza marimba.

“Chirongwa ichi ndiri kuona kuti chiri kubatsira kushandura upenyu hwevechidiki vakawanda nekuti kana vaine zvekuita, havambofunge zvekutora zvinodhaka. Pazvidzidzo zvandiri kuvapa pachena, ndiri kutoona kuti vakawanda vatori nezvipo zvemimhanzi asi kungoti vanenge vasina anovabatsira,” anodaro Mubaiwa.

Zvichakadaro, Mubaiwa achangobva kubura kambo katsva kanonzi ‘Chizevezeve’ ako kachange kari padambarefu rake rechina.

Anoti kambo aka kanokurudzira vanhu kuti vagarisane zvakanaka pose pavari.

Lumen Mubaiwa

“Kune vanhu vasingade kuona chakanaka zvekuti nguva dzose vanongoda kurwisa nekudzikisira mumwe anenge abudirira muupenyu hwake. Saka ndakatsikisa kambo aka ndichipa kurudziro yekuti ngatigonei kungoyemura zvakanaka nguva dzose.

“Kurwisana kana kutarisirana pasi hakuna kunaka uye hakuna kwakunombotisvitsa,” anodaro.

Murwendo rwake rwemhanzi, Mubaiwa akwanisa kushanda nevaimbi vanosanganisira mushakabvu Oliver Mtukudzi, Mambo Dhuterere, Mbuya Stella Chiweshe, Ephat Mujuru, Clive Malunga naTocky Vibes.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>