Ofemeswa neaimbove mushandi wake

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Ofemeswa neaimbove mushandi wake

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MUMWE muzvinhabhizimisi wemuHarare anoti ashaiswa rugare neaimbove mushandi wake uyo waanoti ari kuuya kukambani kwake achikanganisa vashandi vake kushanda zvakanaka achiti, “Ndinozvidira jecha izvi”.

Golden Njanji akazvuvira Tatenda Taera kuHarare Civil Court.

“Changamire, murume uyu andishungurudza. Anokonzeresa mhirizhonga achikanganisa vashandi vangu. Anoti anoda kudira kambani yangu jecha,” anodaro Njanji.

Anoti kambani yake inoita zvekutengesera zvipatara mishonga nemichina yakasiyana saka ari kukumbira kuti Taera asauya kwaanotengesera zvinhu zvake.

“Ndinotengesa mishonga nemichina yeRadiation muzvipatara. Ndinokumbira kuti mumumise kuuya kwainenge iri nekuti anogona kuputsa midziyo iyoyo,” anodaro Njanji.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Njanji gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>