Onetsana nemadzimai akaroorwa

27 Nov, 2019 - 21:11 0 Views
Onetsana nemadzimai akaroorwa

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MADZIMAI maviri anogara kuBudiriro 4, muHarare, vari kudya marasha pamusoro pemumwe murume uyo vaimboroja naye pamba pamwe chete vachimupomera kuti ari kuda kupunza wanano dzavo sezvo achinzi anoudza varume vavo kuti ipfambi dzemakoko, vakaromba uye vane utachiona hweHIV.

Memory Deshe naLovemore Marezva (ndiro zita rake mumhukadzi) vakamhan’arira Edmore Kanengoni kuHarare Civil Court vachida magwaro erunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Deshe naMarezva magwaro anovachengetedza.

Deshe anoti aimbogara pamba pamwe chete naKanengoni asi akazotama akanoroja pamba pevavakidzani vavo.

“Baba ava taimboroja pamwe chete asi vane hunhu hwembwa. Vanotitukirira zvinyadzi vachititi tiri pfambi, takaromba uye tine AIDS. Vanonditi ndinodanana nevarume vevanhu asi nditori mukadzi akaroorwa.

“Vanoenda kumurume wangu vachinomuudza manyepo. Murume wangu anoshanda kuSouth African Airways, saka akatondiudza kuti ndiunze nyaya iyi kudare. Ave kutondifungira kuti ndine dzimwe nyaya dzakavanzika nababa ivava dzinoita kuti vandidaro,” anodaro Deshe.

Anoenderera mberi achiti, “Mumwe musi murume wangu akatondidzinga achiti enda kuna baba ava nokuti munenge mune nyaya dzenyu dzamunozivana. Dai dare randibatsira rarambidza baba ava kupota vachiuya kuzoita mhirizhonga kumba kwangu. Dai varambidzwa kutaura neni kana nemurume wangu nenyaya yekutukirira zvinyadzi pamberi pevana vangu.

“Handisisina chimiro kwatinogara nokuda kwemurume uyu. Vakambondituka vakabva vamhanyira kunomhan’ara kumapurisa ndikasungwa ndakabhadhariswa faindi.”

Marezva anotsinhira zvinotaurwa naDeshe achiti Kanengoni anouya kuzorova-rova gonhi repamba pake achiita mhirizhonga.

“Baba ava vanouya kumba kwangu vachirova-rova dhoo makuseni. Vanotukirira vana vangu vachiudza murume wangu kuti ndiri pfambi uye kuti vana havasi vemurume wangu,” anodaro.

Kanengoni anoti Deshe muzukuru wake uye ndiye anotoshungurudzwa nevakadzi vaviri ava.

“Deshe muzukuru wangu chaiye uyu asi handizive kuti sei achindinyepera kudaro. Handisvike pamba pavo vose ini, iye neshamwari yake ndivo vanotonditukirira zvekuti ndakatombovamhan’arira vakasungwa.

“Handiite zvavataura, landlord vangu varipo ava vanondipupurira. Ndavapihwe havo gwaro ravakumbira, handiti Deshe ati hatina hukama? Vapei henyu zvavakumbira,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>