Opika jeri aba doro

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Opika jeri aba doro

Kwayedza

Muhamed Komboni
MUDZIDZI wepaMarymount Teacher’s College akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa kuba doro muchitoro cheTM Pick n Pay chiri maMutare.

Willard Nkata (32) anobvuma mhosva iyi pamberi pemutongi weMutare Magistrate Court, Muzvare Notebulgah Muchineripi.

Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoti nomusi wa1 Mbudzi, Nkata akapinda muchitoro cheTM chiri maMutare ndokutora mabhodhoro maviri edoro rerudzi rweViceroy Brandy pamwe chete nematatu eMountain Dew.

Nkata akabva atambidza mumwe murume waaiva naye (asina kuzivakanwa zita rake) rimwe bhodhoro redoro reViceroy nerimwe reMountain Dew ndokubuda muchitoro umu vachimhanya vasina kubhadhara.

Izvi zvaive mumaziso aMarshal Matemere anove murindi wemuchitoro ichi uyo akazotandanisa vaviri ava akakwanisa kubata Nkata zvikaita kuti aendeswa kumapurisa.

Doro rakabiwa rinokosha $277.37 uye kwakawanikwa rinokosha $141.58.
Nkata akapihwa chirango chokugara mujeri kwemwedzi miviri kana kubhadhara faindi ye$300.

Share This:

Sponsored Links